Masiraha asina kunyoreswa hokoyoyi

Muchaneta Chimuka
HURUMENDE ine hurongwa hwekuvharisa masiraha ose anotengesa nyama asina kunyoreswa zviri pamutemo senzira yekuunza kugadzikana muindasitiri yezvipfuyo pamwe nekurwisa kupararira kwezvirwere. Vachitaura nevarimi vakapinda musangano weZimbabwe Dairy Farmers Association of Zimbabwe kuBulawayo nguva yadarika, mutevedzeri wegurukota rebazi rezvekurima kuchikamu chezvipfuyo, Cde Paddy Zhanda, vakati varidzi vemasiraha vanofanira kuanyoresa zviri pamutemo.

“Kune masiraha akawanda kwazvo ari kungonyuka uye hatiadi zvachose saka hatisi kuzopa marezinesi matsva kuvanhu vakadai. Kune nyaya dzehuwori dzakawanda muindasitiri yezvipfuyo nekudaro tiri kutora matanho nekuti zviri kukonzerawo kupararira kwechirwere chemahwanda,” vakadaro.

Vamwe varimi vakapinda musangano uyu vakanyunyuta zvikuru nekufambiswa kuri kuitwa mombe dzichienda kunzvimbo dzakasiyana pasina mvumo yeveDepartment of Veterinary Services vachiti kuita uku kuri kubatsira zvakare mukupararira kwezvirwere.

Vakati mapurisa anowanzomema migwagwa munguva dzemasikati asi usiku ndihwo hunofambiswa mombe idzi dzinenge dzichitengeswa zvisiri pamutemo.

Cde Zhanda vakakurudzira varimi nemamwe mapoka akazvimiririra kuti vange vachimhan’ara nyaya dzehuwori kana mhosva dziri kuitwa mubhizimusi rezvipfuyo.

“Varimi muri kuziva kuti kune mombe dziri kufambiswa pakati pehusiku asi muri kuramba makanyarara. Ndimi munofanira kufumura nyaya idzi. Vamwe varimisi nevadhibhisi vari munyaya dzekutengeserana mombe zvisiri pamutemo navana muzvinabhizimusi. Tinofanira kudzika mitemo inotevedzwa,” vakadaro.

Indasitiri yezvipfuyo iri panyatwa nekuda kwechirwere chemahwanda icho chatekeshera kumatunhu akadai seMasvingo, Midlands, Matabeleland South neManicaland.

Zviratidzo zvechirwere ichi zvinosanganisira kukundikana kufura nekuda kwemaronda anenge ari pamuromo, mhuru dzinofa nekuda kwekuti dzinenge dzichishaya mukaka wakakwana pamwe nekuti mombe dzinofamba dzichikamhinha nekurwadziwa nezvitsiko.

Related Posts

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Ndaitya kuti ndave kufa: Seh Calaz

Langalihle Mhiti SEH Calaz, kekutanga, anoburitsa pachena kuti aitya kuti akange ave kufa apo akarwa zvakanyanya gore rapfuura. Shasha yeZimdancehall iyi anotsanangura pamusoro pekupora kwake kunoshamisa uye kutenda zvakasimba kunaMwari…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×