A-LEVEL — PAFUNGE: Rudo anosangana naMai Kamunda. . . ndokupihwa mapiritsi

CHITSAUKO 19 (Nyaya yacho: Enderero mberi)
Zvakaitika ndezvekuti Susan ari kumba kwaOzius, uyo ainge aenda nebhazi raaishandira semukokeri, pamba panosara pachisvika shamwari yaOzius, yainzi Petros ikasvikoti amubikire, amuwachire, amuitire ichi nechocho. Asi Susan akaramba kuzviita.

Ozius achinzwa izvi, anobva asvikoramba Susan nenhumbu yake.

Susan akambofunga zvekuda kuzviuraya asi pfungwa iyi anoipotsera kwakadaro uko. Susan anobva ashevedzwa nevamwe varume vaaizivana navo.

Chitima chinosvika muGweru, Rudo ndokuzeya mazwi ainge ataurwa nemumwe wake akaona kuti ainge asingazotevedzeri upenyu hwechipfambi.

Apo Rudo anoburuka chitima anosanganidzana naMai Kamunda, avo vaive muchengeti wevanasikana vechikoro uko Rudo akaita J.C ndokukoniwa. Amai ava vainge vauya kuzohodha shuga.

Rudo anotaurira amai ava nhamo dzake avo vanomunyaradza ndokumuperekedza kumba kwaaida kuenda kuMutapa vakamutaurira nyaya yavakanga vauya kuzobvunza, yechimwe chikwata chevabi chainzi chakanga chasungwa nemapurisa.

Pakati pevanhu ava painzi paiva nemukomana ainzi aitaura chiRungu kwazvo, uyo aive mwana wavo.

Rudo semunhu ainge akabatwa neshungu haavatauriri kuti zita raPhainos akanga amborinzwa.

Havadi kuti Rudo atambudzike nekudaro vanomupa kazano kavo kekuti zvinhu kana zvanetsa onwa mapiritsi okukotsirisa kuti ambowana zororo mupfungwa ndokumupa kabhotoro kane mapiritsi. Rudo anobvumirana nazvo.

Vachisvika pamba, Mai Kamunda vanobva vangodzokera vasina nekumbopindamo kwose sokuti kwainge kwatosviba, vomhanyira kwavairara.

ONGORORO:

Muchitsauko ichi tinoona muine nziyo mbiri. Muzviitiko zvose isu sevanhu vatema munoonekwa kukosha kwekuimba pangave pabasa, parufu, pamafaro, pakunamata chero pai zvapo.

Kuimba kunopa nyevenutso (relief) kune zvinenge zvichiitika.

Zviri kuitika munyaya iyi zvakakomba (serious).

Rudo ane zvihombe zviri kumunetsa, bhazi riri kumhanya zvekuti vanobatira hana mumawoko asi kuvepo kwenziyo kunorerutsa zvinenge zvichiitika (89, 91).

Tasangana zvakare nemujaya uya Ozius Maware.

Chingava chinhu chakanaka kuti muverengi anyore pazasi pemutsetse wokupedzisira papeji 89 kuti “ona peji 54” onyora pandima yepiri papeji 54 kuti “ona peji 89” izvo zvichamubetsera zvikuru kuti aone tsika nemaitiro emujaya uyu.

Matauriro anoita musikana anonzi Susan anoitawo kuti tione tsika nemaitiro ake. Rudo anobva atsidza kuti haaimbofa akatevedza upenyu hwechifambi sezvaiitwa nemusikana uyu (94).

Kuenzanisa tinokuona kuchishandiswa zvakati kuti muchitsauko ichi.

Tinobva tanyatsa kuona zvaiitika apo vanhu vaichwinyikidzana mubhazi apo zvinonzi vaidai “somudanga remombe padhibha” (88).

Bhazi racho raimhanya chaizvo zvokusiya mumvuri waro izvo zvinonzi raiita “sebhiza riri pamujaho” (88).

(Enderero mberi svondo rinotevera.)

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×