CHINO chidzidzo chinobva mukukoka kwatinoita varairidzi kuti vadzidzise vana chiShona chamandorokwati chinonzi “MUDZIDZISI RAIRA”. Chidzidzo chino chinobva kumumwe murairidzi wepaKatsande Primary Schoo, kuMudzi.
Zvirungamutauro zvakanaka sezvo zvichiita kuti nganonyorwa inakidze muverengi. Hezvinoi zvimwe zvacho:
1. Kuti basa rinotyora musana:– Zvinoreva kuti basa racho rinorwadza chaizvo kuita.
2. Kuti munhu ave zuru rakapinda nyoka:– Munhu anenge asisagone kuita zvinhu zvaaimbogona.
3. Kutswanya bete neural hwaro:– Kunyatsotaura zvinhu nemazvo.
4. Kusvavisa muromo:– Kuve nenzara chaizvo.
5. Kuti imbwa yakasona tsuro:– Zvinoreva kuti imbwa inenge ichitandanisa tsuro.
6. Kubheura munhu:– Kuitira munhu zvinhu zvakanakisisa.
7. Kuti munhu abhuruwara:– Kupererwa neupfumi kana kuondoroka.
8. Kucheka munhu neziso:– Kutarisa munhu nedivi reziso zvekubiridzira.
9. Kuita chishambwe nemunhu:– Kuramba wakangoteverera munhu.
10. Kudhiritsa munhu:– Kuitira munhu zvinhu zvinopa kuti upfumi hwake hupere.
11. Kufudza munhu:– Kunyangira munhu kuti umubate achikanganisa.
12. Kunyangira yaona:– Kuronga kuitira munhu zvinhu zvakaipa iye munhu wacho atozviona kare.
13. Kuradza munda:– Kusarima munda mwaka wose wekurima.
14. Kuti munhu akarova hondo:– Zvinoreva kuti munhu anenge akarwa hondo.
15. Kuzvarira ivhu:– Kuzvara vana vachingopera kufa.
Varairidzi makasununguka kutumira zvamunoda kuti vana vadzidze ku: Kwayedza, Box 396 Harare kana paEmail inoti [email protected]. Munogona kusiya chero kumahofisi eZimpapers kuManica Post, kwaMutare, kuChronicle Building, kuBulawayo, paHehald House muHarare, kuMasvingo, Beitbridge, Gweru kana kuChinhoyi. – MUPEPETI.



