KUCHANGE kuri kumakuwerere svondo rino nemusi weMugovera kuChivhu uko vatambi 30 vetsiva vemumapoka akasiyana vachabandana mumutambo weThe Bees Boxing Tournament uyo uri kurongwa naCharles Manyuchi akabatana nekambani yeMr T35 iyo inomukotsvera.
Mutambo uyu uchatambirwa paChivhu Hall apo vatambi vetsiva vane mukurumbira pamwe nevamwe vari kusimukira vacharwa mumapoka anoti Flyweight, Bantanweight, Lightweight, Welterweight neMiddleweight.
Maziso ose achange ari pamitambo mikuru pazuva iri iyo ichaona Carlos Ncube achirwa naJojo Thomas muboka relightweight kozoti Brendon Denis acharwa naClayton Sibanda mulightweight zvakare.
Kumadzimai, Princess Taderera anotarisirwa kurwa naKudakwashe Chivandire uyo ari kumusimukira zvikuru mumutambo uyu muboka rebantanweight. Nhengo yeMr T35, Martin Beula, anoti kambani yavo yakazvipira kusimudzira tsiva munyika yose uye icharamba ichironga mitambo yakadai zvikuru iyo yavachange vachishandisa kuongorora vatambi vakasiyana vavanoda kuzotsigira kuti vasimukire.
Beula anoti munzvimbo dzakaita seChivhu muzere nevatambi vemitambo yakasiyana yakaita setsiva avo vane matarenda anonwisa mvura asi vanogona kushaya vakotsveri vanovabatsira. Anoti mitambo seyavari kuronga svondo rino iyi inobatsira kubika vatambi vetsiva avo vavanotarisira kuti vachazoita mukurumbira sewaManyuchi mune ramangwana.
“Isu tiri vakotsveri vaCharles Manyuchi saka takabatana naye kuronga mutambo uyu nekuti tinoda chaizvo kusimudzira tsiva muZimbabwe.
“Zvibhakera zvichatsva kuChivhu svondo rino uye izvi zvapera tichatenderera kune mamwe mapurovhinzi uko tichange tichironga mimwe mitambo tichiongorora vatambi vetsiva vakasiyana. “Chishuwo chedu ndechekusimudzira tsiva pamwe nekupa vatambi vasingazivikanwe mukana wekurakidzawo matarenda avo,” akadaro Beula.




