CHITSAUKO 15 (Nyaya yacho: Enderero mberi)
Mukuru wechikoro anouya netsamba dzakawanda ndokukumbira ruregerero maererano nokunonoka kuuya kwadzo odzipa vana poonekwa kuti zita raRudo rinodanwa katanhatu kuti auye kuzotora tsamba dzake.
Tsamba inobva kwaMutare anoziva kuti yakanyorwa pamusoro pemwanakomana waWinnie, yaibva kuGutu aiziva nechekare kuti yainge yakanyorwa kuti aifanirwa kuendako kuti anoona murume waChiedza, yaibva kumusha aiziva kuti yainge izere nezvainge zvakanyorwa naMufundisi Lovedal zvokuti muGweru mainge musina muHwisiri ainzi Joe Rug, Rudo obva arega kufunga pamusoro payo. Yaakapedzisira kupihwa ndeyaibva Gweru.
Mukuru wechikoro anotangisa kupa vana rayiro maererano nezviyedzo zvizere munyika uyewo kuti vana kana vapinda munyika vazvibate. Rudo anoonekwa achitsiurwa kanokwana kuita katatu maererano nekusazvibata zvakanaka kwaari kuita kechina kwava kumuti achibuda zvake panze izvo anoita achingangandara zvake. Mukuru wechikoro anoenderera mberi nekurayira vana.
Rudo apo anobuda panze anenge atopedza kuverenga tsamba dzake. Dzaibva Mutare, Gutu neMharapara, ainge agara afembera zvaiva madziri.
Dzaibva kuvakomana anonorasira kumarara asina kumbodzivhura. Yaibva Gweru ndiyo iyo anonyatsa kuverenga achiidzokororazve. Tsamba iyi yaimuti ava muGweru aizoenda kunoona kumba kwaJoe kokutanga. Mwana avakupenga nerudo.
ONGORORO:
Tikatarisa maperero anoita chitsauko ichi tinoona kuti anopera nezwi rimwe chete rinodzokororwa “Rudo! Rudo! Rudo!” (72)
Kumuverengi zvinogona kureva nepaviri zvichiti zita remwanasikana richitiwo nyaya yerudo. Tamboona zvimwe chete paPeji 64 apo panopera ndima yokutanga munyori anoti “Rudo” zvinogona kureva zvimwe chete.
Tinodzidzawo zvimwe maererano netsika nemaitiro aRudo paPeji 69. Tinotanga nekunzwa kuti, “Rudo aiti kana ashatirwa, hanzi dai ndanga ndachiponda chete.” Tati verengei tinenge tonzwa kuti, “Akanga asingateereri mumwe munhu panyika kunze kwaJoe” tozonzwazve kuti, “kana atsamwa akanga asisazooni mutsauko werokwe nebhurukwe”.
Maroverwo anoitwa musikana anowanikidzwa naRudo achimureva nechibhende anoburitswa nekushandiswa kunoita nyaudzosingwi sokudai: “Muridzi wezita achibva asvika. Bhaga! Imbama iyo pamusikana wechibhende chake. Romo bu! Iro romo rikati ingotarirao muonero ndichizvimba. Bhagu! Supfu! Sanhu! Tatara tatara rudhu, mhere turi neromo rakazvimbaro” (69).
Pfekedzaunhu (personification) inoperekedzawo ichitsanangura maroverwo aya.
Kupera kunoita kamuri dzegore kunotsanangurwawo nemusambo wepfekedzaunhu. Zvinonzi, “Matemu echikoro paakati tisu tadini, gore rakabva ratiwo majaira kundisiya ndega” (69).
Tinoona munyori achishandisa tsumo.
Enderero mberi svondo rinotevera.



