Takarozvwa nen’anga nemaporofita – Maidei

MAI Maidei Nemhara (46), vekwaSabhuku Mutake, kwaChinhamora kuDomboshava, mumwe wevakadzi vakavhiiwa pachena kuchipatara cheChitungwiza Central Hospital mushure mekutambudza nedumbu ravo iro raive rakafutunuka kana kuti kuzvimba zvikuru.

Vanoti vakapedza pfuma vachienda kun’anga nemaporofita mukuedza kutsvaga kurapwa asi hapana chakabatsira.

Mudzimai uyu akavhiiwa akaburitswa chinhu chairema 10 kgs muchibereko.

Mai Nemhare vanoti ivo nemurume wavo, VaRichard Mutake (52), vakasara vasisina zvipfuyo zvose sezvo vakatengesa mombe, mbudzi nemakwai vachida kuzvirapisa apo vaienda kun’anga nemaporofita.

“Ndapora uye ndasimba apo ndakabatsirwa mushure mekunge ndapedza pfuma yose ndichienda mun’anga nemumaporofita. Ndakadya zvose zvinhu zvinoyera, ndichigara ndakachenuruka kumeso apo ndaizorwa ivhu repamwena yenhuta nen’anga,” vakadaro.

Vanoti vakambosvika pakushaya tarisiro yekuti vachararama nekuda kwekuzvimba kwakange kwakaita dumbu ravo.

“Kune vane matambudziko angava ekurwara kana mamwe ndinoti vasarase mbereko nekufirwa nekuti ini ndakanga ndatorasa mbereko kusvikira ndakazoburitswa muKwayedza ndokuzonobatsirwa pachena kuchipatara. Mwari havarare mufunge, vakandinyurura murima rerufu,” vakadaro.

Mai Nemhara vanoti chishuwo chavo kutanga mabhindauko akaita sekupfuya huku, matoki kana hanga dzemusango. Vakatenda zvikuru murume nevana vavo nekumira kwavakaita navo munguva yehurwere.

“Ndinotenda zvikuru murume wangu, nekumira neni panguva yekurwara kwangu sezvo vamwe varume vachiguma vatiza kana mukadzi akarwara sezvandakaita. Takatengesa zvose zvataiva nazvo tichinopa n’anga nemaporofita uko tainyeperwa kuti zvinopera.”

Vakazotendawo chipatara cheChitungwiza Central Hospital, zvikuru mukuru wacho, Dr Obediah Moyo, nechikwata chemachiremba vakavavhiya.

“Izvozvi murume wangu nevana vana vangadai vachitoenda vachiona guva rangu,” vakadaro Mai Nemhare.

VaMutake vakakurudzira veruzhinji kuti vangwarire maporofita nen’anga dzenhema.

“Veduwe, kana tarwarirwa ngatiendei kuzvipatara tinoona vanachiremba. Tisapedza mari yedu nezvipfuyo mhuri dzosara dzichitambura tabirwa nen’anga pamwe nemaporofita enhema,” vakadaro VaMutake, avo pavakaona vatori venhau vakaita sevachachema nemufaro.

 

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×