Mapfupa emwana Akawanikwa. . . ari pasi pedombo, murwizi

MWANA aive nemakore matatu okuberekwa uyo akashaikwa mugore ra2011 kwaSadunhu Muponda, kuHonde Valley, anonzi mapfupa ake akazowanikwa nguva yadarika ari pasi pedombo murwizi pachiitiko chaitungamirirwa nemumwe muporofita.

Mushakabvu uyu, Zvikomborero Tigere, anonzi akashaikwa nemusi wa6 Chivabvu 2011 zvikaita kuti vabereki vake, avo vaigara kwaSabhuku Mutsaka, vamhan’are nyaya iyi kumapurisa.

Mapurisa epaMupotedzi Police Base, uko kwakange kwamhan’arwa nyaya iyi, anonzi akaferefeta asi ndokushaya kwakange kwaenda mwana uyu.

Kubvira gore iri amai vaZvikomborero — Mai Tasiya Chisokwe (40) — vanonzi vaifamba kun’anga nekumaporofita vachida kubatsirwa panyaya yekutsakatika kwemwana wavo.

Nemusi wa3 Chikumi gore rino, Mai Chisokwe vanonzi vakazoenda kwaBvuvai munzvimbo imwe chete iyi, uko kune mumwe muporofita anonzi Simon Macheka (39) wechechi yeChristian Centre of Africa uyo anonzi akavaudza kwaive nemapfupa emwana wavo.

Muporofita uyu anonzi akazotungamirira Mai Chisokwe nevamwe vanhu kunzvimbo yainzi ndiko kwaiva nemwana uyu uko mapfupa ake akanowanikwa ari pasi pedombo murwizi.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Inspector Enock Chishiri, vakatsinhira nyaya yekuwanikwa kwemapfupa anonzi ndeemwana akashaikwa mugore ra2011 aya.

“Tine nyaya yemwana anonzi akashaikwa mugore ra2011, uyo anonzi mapfupa ake akawanikwa pasi pedombo murwizi. Amai vake Tasiya Chisokwe vanonzi vakaziva kuti aiva mapfupa emwana wavo kuburikidza nembatya dzaaiva akapfeka dzakawanikwawo pasi pedombo iri.

Nyaya yekuwanikwa kwemapfupa anonzi ndeemwana uyu yakazomhan’arwa kumapurisa nekudaro iri kuferefetwa,” vakadaro Insp Chishiri.

Insp Chishiri vanoti mapfupa aya akatorwa nemapurisa uye akamirira kuongororwa namachiremba kuti zvionekwe kuti ndeemwana uyu here zvechokwadi.

Vanoti kana zvikabuda kuti mapfupa aya ndeaZvikomborero, pachaitwa ongororo pamwe nekufereta zvakare firo yake mutemo woita basa rawo.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×