A-LEVEL — PAFUNGE

Anna anodhakwa
Ticha Tichaziva
CHITSAUKO 4 (Nyaya yacho: Enderero mberi)

Anna anoti ko zvaari mukoti wachozve, angatsvuka zvokuita somukaradhi here, Josiah kwava kunyepedzera kuvhunduka, ndokutanga kutaura manyepo aakanga akaronga vanhu ndokunyorerana nguva dzokuzoonana Josiah asati aoneka. Anna anomboedza kumuti ava kumutsvagira pokurara Josiah ndokuti kwete, ava kuenda kwaWazvaremhaka. Anofamba achiridza muridzo werwiyo rwesvondo izvo zvinotora Anna mwoyo.
Asvika Gweru, Josiah anobva anyora tsamba yaitaura nezverudo. Mukunyora kwaanoita, Anna anozosvikira pakunyora tsamba achiti, “Ndini wako nariinhi”.

Vanhu vanotanga kufambidzana sevadani, nguva yose, Josiah achibva Gweru achiwana Anna akamumirira pachiteshi chebhazi.
Mumwe musi Josiah anouya akasenga bhegi raive nezvinongwendereka izvo Anna anobvunza kuti zvaiveiko.

Josiah anoti zvaive zvibhodhoro zvehwahwa uhwo aiti semunhu asinganwi hwahwa ombonwa hushoma asi kana Anna asingazvifariri anogona kubva aregedza kunwa zvachose.

Anna anokumbira kuti amboravira Josiah ndokumboita seasingazvifariri, kwava kuzoti achamudzvutisa iye akabata bhodhoro racho Anna akaisa maoko ake seri kwomusana.

Josiah anovhura bhodhoro ndokurisunatira pamuromo paAnna achiritutira mukanwa make.
Anna anosvipa rimwe doro asi anenge atomedza huro nhatu. Josiah anotanga kudemba achiti bhodhoro rainge raita zvekusvotoka mumawoko.
Anna anopiswa nekukachidzwa nehwahwa kwava kumbonwira tumvura muchipfuva ndokumbogadzikana.

Gare gare Anna ava kunzwa kutekenyedzwa mupfungwa kwava kukumbira Josiah kuti amupezve rimwe doro izvo zvinoita kuti muchinda uyu akwenye mhino nekasiyanwa.

Anoti kupa anomupa zvake asi kana achida kuti risamukachidze acharisanganisa nemvura sezvaanoita somunhu asinganwi doro nguva dzose.
Anna anoti ngaaite saizvozvo, Anna ndokuhunwa kwawa kunzwa huchiita sehwakanga hwava kutapira zvishomanana ndokubva apedza hwose.
Achiona izvi, Josiah anoti Anna ngaachimuperekedza sezvo nguva yainge yafamba vanhu ndokubuda mumba, Anna achitaura nezwi riri pamusoro.

Anna anoona kuti ava nedzungu ndokuudza Josiah kuti haachaendi kure achiti tatara tatara kwava kuzendamira nemadziro machena echikoro.
Josiah anobvunza kuti asi dzungu raAnna ranyanya kani, Anna ndokutanga kuseka kunge nzenza kwava kuti Josiah arambe akamubata.

Hwahwa huya hwava kushanda muna Anna uyo anoti kana Josiah achitya kuenda kumusha oga achamuperekedza ozodzoka zvake ega.
Paanoti Josiah amuregedze aende ndipo munhu anotatarika kwava kupunzikira pasi.

Josiah anomumutsa achimuti achidzokera kumba, Anna ndokungoramba akabata ruwoko rwaJosiah angonyarara pamwe achimboti oseka.
Anozopedzesera akumbira Josiah kuti vachidzokera vose kumba kwake nechemumwoyo Josiah achiimba achiti musi uyu anoda kumupfidzisa nekuti anga achinyanya.

Vanonanaidzana sevari kuchata vachidzokera kumba kwaAnna.
Vanongosvika kupinda murima nekuti rambi rakanga radzimwa nemashavishavi, sezvo iri nguva yezhizha mhindo yaiveko yaiita kuti zvinhu zvisamboonekwa mumbamo.

Panopinda vaviri ava mumba, vanongotsakatikiramo zvichinzwika kubondera kwavaiita pamidziyo nezvaiva mumba. Anna ndiye anozotaura kuti Josiah amurege avate sezvo ainge ava kunzwa hope. Josiah hapana chaanopindura zvinozoitika mumba umu muromo zvinyararire.
ONGORORO

Tinoona kuti Josiah munhu anogona kuronga tsoro yake kuti ibudirire (evil schemer).
Pokutanga anoita kunge munhu anofarira zvesvondo. Tinozomuonazve achinyepedzera kunge asingazivi Anna.
(Enderero mberi svondo rinouya.)

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×