VANA VEMHUKA
KUNE mhuka dzakawanda dzinobereka vana vanodaidzwa kuti “mhuru”. Sengwarati, iyo iri pamufananidzo, mwana wayo anonzi mhuru uye inowanikwa mumasango kwakawanda muZimbabwe. PachiRungu inonzi “sable” uye ndiyo ine mufananidzo uri pa$10 yemari yebepa yeZimbabwe yakare. Dzimwe dzinobereka mhuru ndeidzi:
MHUKA MWANA
ngwarati mhuru
nhoro mhuru
nondo mhuru
mhara mhuru
nyati mhuru
nzou mhuru
mombe mhuru
Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa
Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…




