Africa yasvinura

SVONDO rino tinoenderera mberi nekupedzisa mubvunzo watakatanga svondo rapfuura unoti;

Sarudza nhetembo mbiri dziri muna Rukuvhute dzinojekesa mamwe matambudziko anowira zvizvarwa zvemuAfrica.

Munhetembo inonzi Matsotsi haagerani nyanduri anoti vachana vakauya kuzopamba Africa apo yakanga isati yasvinura sepaanoti, “wakauya rungwana-ngwana angu meso achakabatwa nehope.”

Nyanduri anoti Africa yakanyengedzwa nevachena nekuda kwemanyepo avaitaura asi vachiziva kuti vaive nechinangwa chekupamba nyika dzemuAfrica sepaanoti, “Ndikatadza kuona zino rako iro raisekerera zvemanyepo asi kutsi kwemoyo uchironga kunditsvata.”

Nyanduri anoti pari zvino Africa yave kuziva chokwadi maererano neupfumi hwayo sepaanoti, “Nhasi ndazogeza maranga, chokwadi chiya chose bhanan’ana.”

Nyanduri anoti Africa yave kutora matanho kudzora zvinhu zvayo zvakapambwa sepaanoti, “Zvino chichenjera, ndouyako kuzokurakasha iwe nevedzinza rako.”

Nyanduri anoti Africa inowana zororo mushure mekunge yadzora upfumi hwayo sepaanoti, “Kuzorora kwangu machewe, ndinenge ndatodzvuta zvangu mhamba.”

Nyanduri anotsanangura achiti vanhu vemuAFrica vakakwanisa kudzora upfumi hwavo kuvapambepfumi vachatenda midzimu yavo zvikuru sepaanoti, “Mhamba yetendo, yemhiravadzimu.”

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×