‘Tiri kusimbaradza ruzivo rwemabasa’

Daphne Machiri

GURUKOTA redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kweruzivo rwemichina, Professor Amon Murwira, vanoti Hurumende yakazvipira kusimudzira ruzivo rwesainzi pamwe nemabasa emaoko kuburikidza nekuvakisa mizinda yekuitira zvidzidzo izvi muzvikoro zvepamusoro pasi pechirongwa cheIndustrial Hub Project.

Vakataura mashoko aya vari kuBulawayo Polytechnic nguva pfupi yadarika apo vaive muenzi anoremekedzwa pakupihwa zvitupa kuzviuru zvevadzidzi vakapedza zvidzidzo zvavo.

“Mari yavepo yekuvaka maIndustrial Hubs uye purovhinzi imwe neimwe inofanirwa kuva neIndustrial Hub.

Zvirongwa zvakadai zvinosimudzira upfumi hwenyika pamwe nekuvandudza dzidzo yepamusoro,” vanodaro.

Vanoti zvakakosha kuti Zimbabwe ifambirane nedzimwe nyika munyaya dzeruzivo rwechimanje manje.

“Tichaenderera mberi tichivandudza nyika kubudikidza nezvivakwa neruzivo rwemichina yechimanje manje. Muno munyika tinoda kubika tega zvakaita semachiremba pamwe nanamazvikokota vesainzi vanoongorora zvakasiyana-siyana,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naVaGilbert Mabasa, avo vanove principal weBulawayo Polytechnic, vachiti chikamu chavo chezvidzidzo zveEngineering chakakosha zvikuru uye pari zvino chine vadzidzisi vashoma.

“Engineering ine zvidzidzo zvakati wandei zvinoda vadzidzisi, kunyanya pano paBulawayo Polytechnic, vadzidzisi vave vashoma nekuda kwezvikonzero zvakasiyana zvinosanganisira kufa nevanosiya basa vachienda pamudyandigere,” vanodaro VaMabasa.

Related Posts

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×