Akabata amai chibharo, ndokuvaponda . . . ngozi yobhebha ichiti inoda mombe 13

Kingstone Mapupu

NGOZI yaambuya vanonzi vakabatwa chibharo, ndokuzopondwa nemwanakomana wemudzimai mudiki pachipari papurazi reMatetsa, kwaMambo Chimoyo, kwaMutoko, mugore ra2014, inonzi yoda kuripwa nemombe 13.

Mbuya Susan Madhuku Chomusina, avo vakapondwa vave nemakore 72 okuberekwa, vanonzi vakaurayiwa nemusi wa24 Gunyana mugore ra2014 mushure mokunge vabatwa chibharo nemwanakomana wemudzimai mudiki pachipari.

Ari kupomerwa mhosva iyi ndiSimon Chomusina (59).

Mutauriri wemapurisa mudunhu reMashonaland Central, Inspector Milton Mundembe, vanotsinhira kuti vari kutsvaga Simon Chomusina nokuda kwemhosva yaari kupomerwa yokuponda.

Zvakadai, panguva yakaitika nyaya iyi, vemhuri yekwaChomusina vaigara paPlot Number 346, papurazi reMatetsa, kwaMutoko.

Murume wemushakabvu, VaElias Chomusina, vaigara papurazi iri nemadzimai avo maviri anoti Mbuya Susan Madhuku Chomusina, avo vaive vahosi; naMbuya Annah Madhuku Chomusina, mudzimai mudiki.

VaEphraim Chomusina (59), mwana wemudzimai mukuru, vanoti amai vavo vapondwa kudaro, vemhuri yavo vakazowirirana kuti mhosva iyi isamhan’arwe kumapurisa kana kumadzishe edunhu ravaigara iri.

Vanoenderera mberi vachiti zano iri rakabva kuna sekuru vavo, hanzvadzi yaamai.

“Amai vangu naamainini, mudzimai mudiki wababa, vaive mukoma nemunin’ina, buda ndibudewo. Nokudaro, sekuru vedu, hanzvadzi yanaamai, vakazoramba kuti nyaya iyi isvitswe kumapurisa, kuzivisa madzishe kana masabhuku mushure mekuvimbiswa mombe nhatu nevakaponda ava, idzo vasina kuzopihwa. Mutumbi waamai wakazovigwa kuita sokunge pasina chakaipa chakaitika,” vanodaro VaEphraim Chomusina.

Vanoti zvisinei nekuvigiridzwa kwakaitwa nyaya iyi kuti isabude, ngozi yaamai vavo yakazotanga kubuda pamwanasikana wavo, Muzvare Josephine Chomusina (29), uchitaura kuti unoda kuripwa.

“Mweya waamai wakatanga kurwarisa mwana wangu ini anonzi Josephine Chomusina, uchiti uri kuda kuripwa nemombe gumi nenhatu, idzo uri kuti dzinofanira kuripwa nemukoma wangu anonzi akaponda amai. Mweya uyu unoti mukoma uyu akaita izvi aine vamwe varume vana. Semhuri, takambosangana namukoma vari kunongedzwa nengozi ava, vakabvuma kuti chaive chokwadi kuti vakaponda amai,” vanodaro VaEphraim Chomusina.

Muzvare Laiza Chomusina (52), mwanasikana waambuya vakapondwa, anotsinhira nyaya yengozi yave kupfuka iyi.

“Amai vakapondwa baba vachiri vapenyu, nyaya iyi ikavharwa. Ngozi iyi iri kuda mombe 13 dzairi kutaura kuti dzibve kune vakaponda,” anodaro Muzvare Laiza Chomusina.

Vanoti ari kupomerwa kuponda amai vavo vakamumhan’arira kumapurisa ekuHarare, nyaya iyi ikazoendeswa kumapurisa ekuRushinga, uko ave kugara.

Muzvare Josephine Chomusina, uyo ari kubatwa nengozi iyi, anoti muviri wake wave kugara uchirwadza.

“Mweya uyu uri kubata pandiri. Chishuvo changu ndechokuti, semhuri, dai taisa misoro pamwe chete, mombe idzi dzabviswa, nokuti zvave kukonzera muviri wangu kugara uchirwadza,” anodaro Muzvare Josephine Chomusina.

VaRangarirai Muranga, vanove hanzvadzi yaambuya vakapondwa uye vanonzi ndivo vakaita kuti nyaya iyi isamhan’arwe kumapurisa, vanotsinhira kupfuka kuri kuita ngozi iyi.

“Chokwadi, mashoko andinonzwa ndeekuti hanzvadzi yangu yakapondwa uyewo mweya wake wave kubuda pamuzukuru wake. Sasekuru, ndiri kufamba navo vazukuru ava kuti zvigadzirike, asi izvo zvokuti ndakavimbiswa kupihwa mombe kuti nyaya iyi isamhan’arwe kumapurisa manyepo,” vanodaro VaMuranga.

Related Posts

Zim yosimbaradza kudzivirira kupararira kweHIV

Muchaneta Chimuka  HURUMENDE iri kutarisira kugamuchira kubva kunze mimwe mishonga yeLenacapavir iyo inobatsira mukudzivirira kutapurirwa hutachiona hweHIV munguva pfupi iri kutevera izvo zvichabatsira veruzhinji vari panyatwa yekutapurirwa hutachiona uhu. Lenacapavir…

Murume (25) aponderwa pabhawa

Kingstone Mapupu MURUME ane makore 25 okuberekwa wekwaSabhuku Mbombela kwaMambo Malisa kuSilobela, kuKwekwe akapondwa achiita zvekutemwa mumusoro nebhodhoro redoro nemumwe murume pabongozozo remubhawa. Nyaya iyi yakaitika nguva pfupi yadarika panzvimbo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×