Abel Ndooka
NYIKA yose nomusi weMugovera uno ichange yakavhura meso, yakatarira mitambo miviri inoti weTriangle United, iyo ichatamba neScottland FC; kwozoti Hardrock FC, iyo ichatamba neFC Platinum, vachida kuona kuti ndechipi chikwata chichasimudza mukombe weCastle Lager Premiership.
Mwaka weCastle Lager Premiership (PSL) uri kupera svondo rino, naizvozvo vatsigiri venhabvu vari kuda kuona kuti ndechipi chikwata chichasimudza mukombe weligi iyi wegore rino, mumwaka wange uchitambwa nhabvu inonwisa mvura.
Scottland FC iri kuenda kuTriangle, uko ichanobandana neTriangle United kuGibbo Stadium, ukuwo Hardrock FC ichange iri pamusha payo, paChahwanda Stadium, kuKwekwe, paichange ichitatsurana nePure Platinum Play (FC Platinum).
Mitambo miviri iyi ichatanga nguva dzimwe chete uye chikopokopo chichange chakangomirira kunzwa kuti chonanga kupi nemukombe wePSL — kuTriangle here kana kuti kuKwekwe — pachapera mitambo yezvikwata izvi.
Parizvino Hardrock FC yakabata mukombe wePSL neruoko rumwe chete sezvo iriyo iri pamusoro pelogo iine zvibodzwa 70 kubva pamitambo 33 yayatamba, kwotiwo Scottland FC ine zvibodzwa 68 kubvawo pamitambo 33.

Hardrock FC, iyo inorairidzwa naKelvin Kaindu, iri kurwira kuhwinha mukombe wayo wokutanga wePSL uye kutevera mumatsimba eScottland ekusimudza mukombe wePSL mumwaka wayo wokutanga yapinda muligi iyi, sezvakaitwa neScottland mwaka wadarika.
Svondo rino, Hardrock, iyo inozivikanwa zvakare nezita rokuti Kasongo Boys, inofanirwa kuhwinha mutambo wayo neFC Platinum kuti igogadzwa humambo hwekuve shasha yePSL yemwaka wa2026.
Kune rimwe divi, mukana weScottland FC wekuchengetedza mukombe wayo wePSL hausisiri mumaoko ayo; yave kutoita munamato wokuti dai Kasongo Boys yakundwa neFC Platinum, iyo yohwinhawo mutambo wayo neTriangle United.
Scottland, iyo inozivikanwa zvakare nezita rokuti Mabviravira, yakatambisa mikana yayo yekuramba iri pamusoro pelogo apo yakamborasa zvibodzwa zvakawanda payakaita mangange mumitambo yakawanda, ukuwo Kasongo ichingozvambaradza zvikwata zvayaisangana nazvo.
Kudzikira uku kwakaita matambiro eMabviravira, zvichizosangana nekuburitswa kwayakaitwa mumutambo weCAF Champions League, kwakaona murairidzi Norman Mapeza achidzingwa basa kuchikwata ichi, ndokutsiviwa naPeter Ndlovu, maneja wedivi iri.
Ndlovu ndiye akambofanobata chinzvimbo chekurairidza chikwata ichi.
Zvakadaro, kune rimwe divi, svondo rino ndipo pachaonekwa kuti ndechipi chimwe chikwata chichatevera Manica Diamonds, TelOne neTriangle United kuendawo kuDivision One pakati peAgama neZPC Kariba.
ZPC Kariba iri kuuya kuHarare kuzosangana neHerentals. Ikahwinha mutambo wayo uyu nemaStudents inenge yapona kuramba iri muPSL mwaka unotevera.
Kune rimwe divi, kuti Agama irambe iri muPSL inotofanirwa kuita munamato wakasimba wokuti ZPC Kariba ikundwe neHerentals, iyo yohwinhawo mutambo wayo apo ichasangana neBosso kuWadzanayi, kuShamva.