KWAYEDZA

Sangano revaimbi roronga ramangwana pamusangano mukuru wepagore

Abel Ndooka

NHENGO dzesangano rinomirira vagadziri vezvinhu zvine unyanzvi, kusanganisira vaimbi vakasiyana-siyana munyika, reZimbabwe Council of Copyrights (ZICCO) dziri kusangana nomusi weMugovera kwaMutare, kuManicaland, kwadzichaita musangano wadzo mukuru wepagore, paine tarisiro yekusarudzwa kwevatungamiriri vatsva.

Gore negore, ZICCO inoita musangano mukuru wepagore. Pachiitiko ichi, panoitwa sarudzo dzekutsvaga nhengo itsva dzebhodhi, hurukuro dzekuongorora mamiriro esangano iri maringe nezvemari uye chimiro charo. Paungano iyi panorongwa zvakare ramangwana reZICCO.

Chamangwiza weZICCO Dr Tafadzwa Masembura akati rwendo rwuno boka iri richange riri kwaMutare, uko kuchaitirwa musangano mukuru wepagore.

Akati pachaitwa hurukuro dzakasiyana-siyana dzichabatsira kuvaka sangano iri kuti rirambe richikura.

“Svondo rino, seZICCO, tiri kunanga kwaMutare, kwatiri kunoita musangano wedu mukuru wepagore, apo tichakurukura nhau dzesangano redu, tichiona kuti zvirongwa zvedu zvegore rino zvakafamba zvakanaka here. Kana zvisina, tokurukura kuti toita sei kuti tizvigadzirise, zvigofamba zvakanaka gore rinotevera.

“Imwe nyaya inofanira kukurukurwa nezvayo ndeyekusarudza bhodhi idzva reZICCO, rinozotungamirira sangano iri gore rinotevera.

“Asi nhau iyi tichazokurukura nezvayo musi wemusangano wedu, tichinzwa kubva kunhengo dzose kuti toenderera mberi here nekusarudza rimwe bhodhi kana kuti topa varipo nguva yekumboshanda, vachipedzisa zvirongwa zvavange vachiita,” akadaro Dr Masembura.

Musangano wemhando iyi wegore radarika wakaitirwa kuBulawayo

ZICCO isangano rinomirira vaimbi, rinounganidza nekuchengetedza pamwe nekugovera mari dzemuripo (royalties) dzevaimbi, vanonyora mhanzi, vanobika nekutsikisa mhanzi nevamwe vakasiyana-siyana.

Pamusoro pezvo, ZICCO ine zvimwe zvirongwa zvakatsaukana-tsaukana zvekusimudzira vaimbi zvinosanganisira zvekurima nekutsvagira vaimbi zvikwereti zvekuvamba mabasa emaoko.

Leave a Comment