Akabatwa nenyoka Mhenyu mukombi

Mufananidzo wemhungu seyakawanikwa iri mumota yaMupinganjira.
Mufananidzo wemhungu seyakawanikwa iri mumota yaMupinganjira.

MURUME wekwaChihota akasungwa nemapurisa emuHarare nemusi weSvondo wadarika mushure mekunge abatwa aine musvesvenenga wenyoka yerudzi rwemhungu (Egyptian cobra) mubhegi raaive naro mukombi yaibva kuMbare ichienda kuEpworth, muHarare.

Grey Mupinganjira (32) wemubhuku raMuhove, kuMahusekwa, akasungwa panosangana mugwagwa waChiremba nawaAlexander nemapurisa vanoshandira mumugwagwa apo vakaona kuti bhegi rake raiva nechinhu chaizvonyongoka.

Mhungu iyi yaive mubhegi rinochengeterwa kombiyuta yerudzi rwe”laptop”.

Mumwe wemapurisa vaishandira pamugwagwa apa akaona kuzvonyongoka mubhegi iri zvikaita kuti ade kuona kuti maive nei maziso ake ndokusanganidzana nemusvesvenenga wenyoka.

Mutauriri wemapurisa munyika, Senior Assistant Commissioner Charity Charamba, vakazivisa nezvekusungwa kwaMupinganjira.

“Akasungwa kuburikidza nechirongwa chaiitwa nemapurisa. Mapurisa akaona kuzvonyongoka kwaiitika mubhegi rake ndokubva vada kuziva kuti chaive chii,” vanodaro.

Mupinganjira akaudza mapurisa kuti haachada kugara nenyoka iyi nekuda kwekuti iri kukonzera matambudziko muupenyu hwake. Anoti nyoka iyi, iyo yaaishandisa mumabasa ekuroya, yaive nhaka yaakasiirwa naamai vake vava mushakabvu.

Mapurisa akaendesa nyoka iyi kune vebazi rezvemhuka, reZimbabwe Parks and Wildlife Authority uye inonzi inokosha $100.

Mupinganjira akatoganza achiti nyoka iyi yaizodzoka kwaari.

Snr Asst Comm Charamba vanoti Mupinganjira akatiwo dzimwe nyoka dzerudzi urwu dzainge dzaendeswa kunyika yeMalawi uko kunogara baba vake.

Zvichakadai, Mupinganjira akamiswa pamberi pemutongi wedare reHarare Magistrates’ Courts, Elijah Makomo, uyo waakaudza kuti anoda kudzoserwa nyoka yake iyo yaanoti akasiirwa naamai vake mushakabvu.

“Nyoka iyi ndeyangu uye handinzwisise kuti sei yakatorwa neveParks. Haisi yavo, ndakaisiirwa senhaka naamai,” Mupinganjira akaudza dare iri. Mutongi Makomo akati nyaya yemurume uyu hainzwisisike ndokuti anofanirwa kunoongororwa nemachiremba vepfungwa.

Asi Mupinganjira akabva amugama achiti: “Handirware nepfungwa ini, dzangu dzakanyatsoti kwesere.”

Mupinganjira ari kutongwa nekutyora Section 59(2)(b) yeParks and Wildlife Act Chapter 20,14.

Mhungu inyoka ine huturu hwakanyanya uye zita rayo haribve muruvara rwayo asi kuti muruvara rwemukanwa mayo, umo makasviba zvikuru.

Inyoka yakareba zvakanyanya uye inowanikwa muAfrica. Hurefu hwayo hunobva pamamita maviri kusvika pa4,5. — The Herald.

Related Posts

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×