Akabviswa chiri kumeso

NYAYA yekuda kusasana neshamwarikadzi yakazopindukira murume wekuSt Mary’s, kuChitungwiza, uyo akazoyeuka bako aniwa apo akabirwa $60 zvikaita kuti vaendesane kumatare edzimhosva.

Muchichisi wedare reChitungwiza Magistrates’ Courts, Norman Koropi, akati nomusi wa11 Kukadzi gore rino munguva dzemasikati, Paul Chadamoyo (34) wekuNyamakuyo Primary School, kuMudzi, anonzi akabirwa $60 neshamwarikadzi yake, Bianca Mpofu (28), wepanhamba 4236 Unit D, kuChitungwiza.

Izvi zvinonzi zvakaitika munguva dzemasikati kumba kwaBianca apo Chadamoyo akataurira mudikani wake kuti akange ave kuenda kuSt Mary’s.

Mpofu anonzi akabva amuudza kuti hakuna kwaakange ari kuzoenda asina kumupa $50.

Chadamoyo anonzi akati aikwanisa kumupa $5 zvinova zvavasina kuwirirana naMpofu.

Mpofu anonzi akabva abvuta bhegi rechikomba chake raive nechikwama chaiva ne$60 ndokurikanda pamubhedha. Vaviri ava vakatanga kunetsana.

Mpofu anonzi akazoshevedza vamwe varume vaviri kuti vamubatsire pabongozozo iri vanove vakauya asi vakangovayambira kuti nyaya yavo yaida kuti imhan’arwe kumapurisa.

Chadamoyo anonzi akazokiya musuwo ndokubuda achienda kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa asi akasiya ataurira Mpofu kuti bhegi rake raakange ari kurambira naro raiva ne$60 mukati.

Pasina nguva, mapurisa anonzi akasvika kunosecha pamba apa vakakwanisa kuwana bhegi bedzi mari ichibva yashaikwa izvo zvakaita kuti shamwarikadzi iyi isungwe. Nyaya iyi ichiri kuenderera mberi mudare iri.

Mutongi wenyaya aive Tafadzwa Miti.

Related Posts

Motokari ine chitunha yabatira moto

Arron Nyamayaro VAMWE vanhu vaive parwendo rwekunoviga hama yavo kumusha vakamhanyidzana kubvisa bhokisi raive nechitunha mumotokari inotakura vafi zvichitevera kubatira kwayakaita moto kuArdbennie, muHarare nemusi weMuvhuro svondo rino. Vakaona izvi…

Shingai Dance Troupe hwapu mukombe weChibuku Neshamwari

Muchaneta Chimuka CHIKWATA cheShingai Dance Troupe chemudunhu reHarare, icho chakaratidzira hunyanzvi mumutambo wembakumba, ndicho chatora mukombe pamakwikwi eChibuku Neshamwari Traditional Dance National Final ayo aitirwa muHarare Gardens nomusi weMugovera wadarika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×