Akadira kasvava mvura inopisa

Muchaneta Chimuka
MUDZIMAI wechidiki wekuChitungwiza anonzi akapisa mwana wavatete vake kasvava mumusoro nemvura inopisa mushure mekunge vanetsana naamai vacho.

Ashley Shani (22) wepanhamba 2111 kuSt Mary’s anobvuma mhosva yaari kupomerwa iyi pamberi pemutongi wedare reChitungwiza Magistrates’ Courts, Yeukai Chigodora.

Mutongi Chigodora anoti Shani anofanirwa kudzoka mudare apo achapihwa mutongo wake.

“Ndakadira amai vemwana mvura inopisa ikadaukira kumwana mushure mekunge mumhan’ari ari iye akatanga kundidira mvura,” anodaro Shani.

Shani ari kutongwa nemhosva ine chekuita nekushungurudzwa kwevana (Ill-treating and neglecting a child Section 7 of the Children’s Act, Chapter 5:06).

Amai vemwana uyu ndiHilda Enock (35), avo vanogara pamba pamwe chete nemusungwa uye vari tete vake.

Muchuchisi Norman Koropi akaudza dare kuti masikati emusi wa21 Kukadzi gore rino, Enock akanga ari mushishi kugeza ndiro musingi apo Shani akasvika akabata bhaketi raiva nemvura yakafashaidzwa achibva abvisa ndiro idzo aigeza.

Pakava nekukandana mashoko, Shani anonzi akabva adira mvura inopisa kuna Hilda asi akamupotsa ndokudira mwana waainge akabereka kumusana.

Mwana uyu akakuvara mumusoro nepadama achibva aendeswa kuChitungwiza Central Hopsital uye matsamba ekwachiremba akaburitswa mudare seumbowo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *