Kunyora mazita zvakanaka

Madham Chiks kuCHIVHU
MASVONDO apera takataura nezvekupatsanurwa kwezviito pakunyora kunoita vana, tichiti chiito chingava chakareba sei, hachipatsanurwi kuita mashoko maviri.

Nyaya yokupatsanura mazita inoshungurudza vana sezvainongoita vakuru.

Vanoshambadza vaya nerurimi rwedu, zvinenge zvakanaka kuti musati madhindisa zvinyorwa zvenyu mombotanga maongororawo manyorerwo anenge akaitwa mazita nezviito nekuti kune zvimwe zvinyorwa zvinotonyadzisa kuverenga.

Mutemo waunofanira kuzvipa semunyori wezvinyorwa zveShona zviri pamazera ese ndewekuti zita kunyange rirebe sei, haripatsanurwi. Vana vazhinji vane dambudziko rekuti akangoona sekuti zita rarebesa, anobva atanga kugura-gura zita riya. Mienzaniso yemazita akarebesesa ndeinotevera;

Pakuramunhumashokoanowanda,

Mupurwamupurwaanofambaegausikungaatetenwe, Mugadzirisavanodakuganhirazvisizvavongavafe.

Mazita ari pamusoro mazita atinosangana nawo nenguva dziri kure. Pane mazita anogara achivhiringa vana zvikuru avanosangana nawo nguva zhinji akaita seanotevera;

Mwanakomana kwete mwana komana

Munhukadzi kwete munhu kadzi

Tafirenyika kwete Tafire nyika

Chisodzimate kwete chisodzi mate

Mbwazukuru kwete mbwa zukuru

[Mienzaniso yese yandinoshandisa ndinoiwana mumabhuku evana vandinodzidzisa].

Pamazita ipapo pane zvimwe zvinoshungurudza vana zvakaita

  1. sezviwedzerwa zvezvirevamwene sekuti, yababa kwete ya baba
  2. Zviwedzerwa zvezvindori sekuti ndisekuru kwete ndi sekuru,
  3. Zviwedzerwa zvedudzirachiito sekuti nevana kwete ne vana.

Vana ngavazive kuti zviwedzerwa zvese izvi hazvinyorwi zvakasiyana nezita razvinofanira kubatana naro.

Chekupedzisira chinonetsa vana panyaya yamazita zvinhamatidzwa. Zvinhamatidzwa zvimavara zvatinosendekedza kana kunamira kokupedzisira kwemashoko kana mazita zvakaita sana -wo, -zve, -ba, -ko, -su.

Zvinamatidzwa zvinofanira kubatana nezita kana izwi rinenge razvitangira semuenzaniso; maivowo, babazve, handidiba, upiko.

Vana havafaniri kuparadzanisa chinhamatidzwa neshoko kana izwi sezvavanonyora vachiita sekuti handidi ba, amai vo, upi ko.

Tinopedzisira nyaya iyi tichiti hatina mukana wokufema kana tichitaura zita naizvozvo hatina mukana wokugura-gura zita kana tichirinyora. Vana zivai kuti matauriro atinoita ndiwo manyorero atinoita. Ukanzwa kuti wataura mashoko matatu ndiwo manyorero aunofanira kuita.

Basa rekuita:

  1. Vabereki danirai vana mazita vachinyora pasi kunyanya mazita akareba.
  2. Vana ngavanyore tundima twezvavanongoda vabereki muchitarisa kuti patsanuro nebatanidzo yakamira sei.

 

Chinyorwa chino chabva kumudzidzisi weShona pachimwe chikoro chiri kuChivhu. Varairidzi makasununguka kudzidzisa vana nekutumira zvidzidzo zvenyu paWhatsApp inoti 0775 218 248 kana email inoti [email protected]

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *