Akadya zizi mbishi?

CHARLES achidya zizi kuRound About yekuMbudzi nomusi weChina svondo rapfuura. — (Mufananidzo: Memory Mangombe.)
CHARLES achidya zizi kuRound About yekuMbudzi nomusi weChina svondo rapfuura. — (Mufananidzo: Memory Mangombe.)

VANHU vaive paMbudzi —nzvimbo inoungana vanhu vakawanda muHarare, mumugwagwa unoenda kuMasvingo — vakashaya nechekuita kune mumwe murume uyo akaramba sadza nenyama yemombe zvaainge apihwa, asi ndokusarudza kudya zizi mbishi. Murume uyu, uyo akangozivikanwa nezita rekuti Charles, achibva kwaLanark, kuBeatrice, akashamisa ruzhinji rwaivepo apo akatanga kupwanya zizi risina kubikwa, zvose nemanhenga aro.

Charles akadya zizi iri mushure mekunge aramba sadza nenyama yemombe nemabhanzi izvo akange apihwa nemumwe mudzimai anotengesa pamusika uri panzvimbo iyi achiti nyama yezizi inomunakira kudarika zvose zvavaimupa.

Vamwe vanhu vakataurwa navo neKwayedza vakati vaifungidzira kuti zizi iri rakange ratsikwa nemotokari, Charles achibva azorinhonga. Asi vamwe vakati murume uyu akanga aita rekuteya kumasango akatenderedza nzvimbo iyi.

Vamwewo vakati murume uyu ane njere dzakakwana, uye izvi zvinogona kunge zvaikonzerwa nezvinodhaka zvakaita sembanje.

Murume wechidiki uyu paakataurwa naye haana kudavira sezvo akaramba achidya zizi iri pamwe nemanhenga aro.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×