Akadzika munin’ina demo . . . mumwe ndokufa arohwa necheya pabhawa

Kingstone Mapupu

VARUME vaviri vakapondwa kunzvimbo dzakasiyana kuMberengwa nekuGokwe, kudunhu reMidlands apo mumwe anonzi akatemwa nedemo nemukomana wake vatadza kunzwisisana uye mumwe wacho ndokutemwa zvakare necheya mumusoro ari pabhawa.

Inspector Emmanuel Mahoko vanova mutauriri wemapurisa kudunhu iri vanoti pane murume akapondwa pabhawa reMakandise Bottle Store panzvimbo yemabhizimisi yePoland, kuMberengwa, kozoti mumwe wemubhuku raSiyamanzi, kwaMambo Mukoka, kuGokwe.

“Munyaya yekutanga yekuMberengwa, mufi ainzi Godfrey Mangena uyo asina kuzivikanwa makore ake ekuberekwa, wemubhuku raMadhala kudunhu raMambo Mataruse anonzi akarohwa mumusoro necheya yesimbi ndokutsemuka bhonzo remusoro. Akazoendeswa kuchipatara cheMatibi uko akashaika achangosvika,” vanodaro Insp Mahoko.

Nyaya iyi inonzi yakaitika nemusi wa8 Kubvumbi husiku.

Mangena anonzi akarohwa necheya iyi naLawrence Maphosa (22) anobva mubhuku raTofa kudunhu raMambo Negove, kuMberengwa, uyo akabva asungwa nemapurisa nekuda kwenyaya iyi.

Insp Mahoko vanoti nyaya yechipiri yakaitika kuGokwe kune murume ainzi Sizani Sibelo (30) uyo akafira panzvimbo mushure mekutemwa nedemo nemukoma wake vatadza kunzwanana mukupopotedzana nenyaya isina kuzivikanwa.

“Sizani Sibelo (30) wemubhuku raSiyamanzi, kwaMambo Mukoka, kuGokwe anonzi akatemwa nedemo nemukoma wake, Khangelani Sibelo (40) avo vaigara vose. Anonzi paakaona kuti atema munin’ina wake akafa, akanozvipira kumapurisa nemusi wa7 Kubvumbi,” vanodaro Insp Mahoko.
Vanokurudzira veruzhinji kuti vataurirane mukugadzirisa matambudziko uye votsvaga vayananisi pane kuurayana.

“Hatikurudzire vanhu kurwisana, asi kuti vataurirane kana pane zvanetsa. Kune vane mashoko avanoda kupa kumapurisa mudunhu redu reMidlands vanokwanisa kuridza nhare panhamba dzinoti (054) 2221073 kana 0778 069 322,” vanodaro Insp Mahoko.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×