Hondo yakora muto . . . vanhu 143 vasungirwa kutengesa zvinodhaka

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ari kukumbira kune veruzhinji kuti vavabatsire nemashoko anoita kuti vakwanise kusunga vanhu nhubu avo vari kuita basa rekutengesa zvinodhaka zvisingatenderwe pasi pemutemo zvinosanganisira unonzi mutoriro.

Mashoko aya ataurwa nemutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, zvichitevera chirongwa chiri kuitwa chekusunga vanotengesa zvinodhaka.

Kusvika pari zvino vanhu 143 vasungwa munyika yose nemhosva yekutengesa zvinodhaka zvisingatenderwe nemutemo.
“Tasunga vanhu 143 apo mapurisa edu akasvika panotengeswa zvinodhaka izvi kunzvimbo dzinosanganisira Mbare, Glen Norah, Chitungwiza, Mabvuku, Epworth, Dzivaresekwa, Mufakose, South View nekuHighfield.

“Tiri kufambira mberi nekusunga vanhu ava kusvika zvanaka. Saka tinoti kune vane mashoko ngavaunze kumapurisa ari pedyo navo, vanhu ava vasungwe,” vanodaro Asst Comm Nyathi.
Vanoti vanhu vasungwa ava vari kupomerwa kutengesa zvinodhaka zvinosanganisira mbanje, makeke anogadzirwa nembanje, BronCleer (bronco), doro rinorambidzwa munyika muno semusombodhiya, blue diamond nemamwe mapiritsi anotsvukisa ganda revanhu se”diproson”.

“Tiri kufambira mberi nekusunga makoronyera aya, tichidawo vakuru vacho vanounza zvinodhaka izvi muno nevavanodyidzana navo vekunze. Mapurisa akawana Crystal Methamphetamine neEphedrine drugs kubva kuna Privilege Munetsi, Oto pills kubva kuna Anastasia Murudzirwa (52). Vamwe vakawanikwa vaine zvakasiyana vanosanganisira Marjory Moyo, Portia Chekuenda naFaith Sithole (40) wekuMbare,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vanoti kune kushandiswa kwezvinodhaka kwakadarikidza munyika muno zvinoda kuti vanhu vaite mushandirapamwe nemapurisa mukurwisa dambudziko iri.

“Dzimwe dzenyaya idzi dzava kumatare edzimhosva saka tinoda kubatsirana neruzhinji nemapurisa kuti tiwane mazita evanhu ava nevanotungamirira zvikwata izvi aunzwe kumapurisa vasungwe. Chionai zvakuvadza vechidiki vedu vanoda kuzovawo neremangwana rakajeka,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Kwayedza masvondo maviri adarika yakaburitsa nyaya yevamwe vabereki vemuHarare avo vari kuchema-chema vachiti upenyu hwevana vavo hwaparara nekuda kwekutora kwavari kuita zvinodhaka semutoriro sezvo vasisade kudzokera kuchikoro uye vamwe vave kupata misha.
Vabereki ava vanosanganisira VaTito Nyamweda (43) vekuGlen View naMai Linah Savanhu (43) vekuMbare.

Asst Comm Nyathi vanoti vose vane ruzivo pamusoro pevanotengesa zvinodhaka izvi ngavasatya kufumura nyaya dzakadai.

“Tinoti vane ruzivo ngavauye kwatiri mapurisa, vasatye nekuti hakuna anogona kuvavhundutsira sezvimwe zvatinonzwa. Tinoda kuti nyika yedu igare zvakanaka pasina kushandiswa kwezvinodhaka. Vanhu ngavasatyisidzirwa, tiripo kuvachengetedza,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Zvichakadai, bazi rezveutano nekurerwa kwevana riri kutorawo matanho ekubatsira vechidiki vane dambudziko rekutora zvinodhaka uye svondo rapera rakatotanga kubvakachira dzimwe mhuri dzevana ava.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×