Akafa atsikwa nemota isina mutyairi

Kingstone Mapupu

MWANA aive negore nemwedzi mina yekuberekwa wekuBindura anonzi akatsikwa ndokufa nemotokari yababa vake iyo yakangoerekana yave kufamba isina mutyairi pachivanze chevabereki vake.

Tsaona iyi inonzi yakaitika nguva pfupi yadarika kuTatanya Village 3 Farm, kuBindura.
Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central – Assistant Inspector Naison Dhliwayo – vanoti Leah Kajokoto aitamba nemukoma wake ane makore masere ekuberekwa vari kuseri kwemotokari yababa vavo, Amon Kajokoto, Isuzu KB300, yaive yakamiswa pachivanze.

“Vana ava pavaitamba, motokari iyi inonzi yakangotanga kufamba yoga ichidzokera kumashure ndokutsika Leah Kajokoto akakuvara zvakanyanya mumusoro. Mwana uyu akazoendeswa kuchipatara cheMt Darwin asi ndokufa.

“Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa ekuMt Darwin, mutumbi wemwana uyu ukazoendeswa kuchipatara kuti unoongororwa nanachiremba,” vanodaro Asst Insp Dhliwayo.

Vanoti tsaona dzemhando iyi dzinokonzerwa nezvakawanda sekuti motokari inogona kunge isina zvakakwana zvinosanganisira mabhureki.
“Sevatyairi, kana tiine motokari padzimba dzedu kana pose-pose mungava mugaraji, ngationei kuti dzine zvakakwana. Kana tichiziva kuti hadzina hand break, ngatiisei matombo kumavhiri ose anotsigira kuti dzisafambe. Chionai tasvika pakurasikirwa nemwana nekuda kwezvinhu zvataigona kudzivirira,” vanodaro.

Asst Insp Dhliwayo vanoti nyaya iyi iri kuenderera mberi nekuferefetwa.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×