Mapurisa oparidza mashoko

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police ekuMashonaland East – akabatana nebazi rezveutano nekurerwa kwevana nevemakambani – akatanga chirongwa chekutenderera mudunhu iri vachiparidza mashoko kune veruzhinji pamusoro pekukosha kwekuzvidzivirira kubva kuchirwere cheCovid-19.

Mutauriri wemapurisa kudunhu iri, Inspector Tendai Mwanza, vanoti chikamu chemapurisa anodyidzana neruzhinji chiri kubatana nemakambani anosanganisira Proton Bakery neGo Zimbabwe muchirongwa chekufamba vachishambadza mashoko pamusoro pechirwere chatambudza pasi rose ichi.

“Isu semapurisa mudunhu reMashonaland East, takabatana nevebazi rezveutano nekurerwa kwevana uye neProton Bakery neGo Zimbabwe muchirongwa chekurwisa kupararira kweCovid-19. Makambani maviri aya akatipa motokari mbiri dzavanoisa mafuta ekufambisa idzo tinofamba nadzo tichiparidza zvinodiwa mukurwisa chirwere cheCovid-19,” vanodaro Insp Mwanza.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tiri kufamba mudunhu iri tichikusha mashoko pamusoro pekukosha kwekuti veruzhinji vazvidzivirire kubva kuchirwere cheCovid-19. Kurudziro iyi inosanganisira kuti vanhu varege kuita chitsoko-tsoko, kugeza maoko nemvura ine sipo kana kushandisa sanitiser, kuona kuti vezvitoro vavhura nguva dzakatarwa uyewo vemabhawa vorega kuvhura zvachose. Pamusoro pezvo, tinosungawo vadzidzisi vanoonekwa vachidzidzisa vana kudzimba kwavo nezvimwewo.”

Insp Mwanza vanoti kusvika pari zvino vafamba nzvimbo dzinosanganisira Nyamapanda, Kotwa, Murehwa, Goromonzi, Macheke, Hwedza, Mahusekwa, Marondera, Beatrice, Mutawatawa, Furtherstone neDomboshava.

“Zvose zvatiri kuita zvinofambirana nemitemo yesangano repasi rose reWorld Health Organisation (WHO). Vanhu ngavagare kudzimba kuti tikwanise kurwisa chirwere ichi zvizere. Asina chekufambira uye asina matsamba anodiwa ngaagare kumba,” vanodaro Insp Mwanza.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×