Tamirira Gvt: Zifa

Abel Ndooka

SANGANO rinotungamirira nhabvu muno reZimbabwe Football Association (Zifa) rinoti riri kuzama nepose parinogona kuti mutambo uyu udzoswe uye rakanyorera zvakare kuHurumende richikumbira bvumo yekuti mitambo yePremier Soccer League itambwe.

Mutauriri weZifa — Xolisani Gwesela — uyo anovazve competitions manager, anoti vakanyorera kuHurumende vachikumbira mvumo yekudzoswa kwenhabvu yePSL asi chikumbiro chavo hachisati chatambirwa.

Kubva pakamiswa mitambo yese muno gore rapera muna Kurume senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19, mitambo yePSL haina kuzotambwa kunze kwemutambo weFC Platinum weCAF Champions League newemaWarriors weAfcon.

MaWarriors akasangana neAlgeria mumutambo wekurwira kuenda kuAfcon iyo ichatambirwa kuCameroon gore rinotevera. Kwozoti FC Platinum yakasanganawo neCosta dol Sol yekuMozambique uye neSimba Sports Club yekuTanzania kunhandare yeNational Sports Stadium.

Mitambo yose iyi, yeFC Platinum newemaWarriors, yakatambirwa munhandare dzisina vatsigiri.
“Kubva gore radarika, tange tiri kungonyorera kuHurumende tichikumbira mvumo yekuti nhabvu yePSL ichidzoswa uye nanhasi tichiri kungovanyorera saka takangomirira kunzwa kwavari.

“Iye zvino chatinokwanisa kungotevedzera zvavanenge vatiudza kuti tiite chete nekuti nyika iri panguva yakaoma nekuda kwedenda reCovid-19,” anodaro Gwesela.

Chikwata chenyika chemaWarriors nguva pfupi yadarika change chiri kumakwikwi eAfrican Nations Championship kuCameroon.

MaWarriors ndiwo akaita chikwata chekutanga kuburitswa kumutambo uyu zvichitevera kukundwa kwaakaitwa mitambo yawo yose iri mitatu.

Chikwata chegore rino ndicho zvakare chakabva chaita chekutanga kuenda kuCHAN ndokubva chisina kumbohwina chibodzwa kana zvichienzaniswa nezvimwe zvakamboenda kunokwikwidza kumutambo uyu makore adarika.

Achibvunzwa neKwayedza kuti kusatamba zvinogutsa kwakaitwa neWarriors hakuna kukonzerwa here nekuti vatambi vacho vave nenguva ndefu vasingatambe nhabvu, Gwesela anoti mibvunzo iyi inofanirwa kupindurwa nevarairidzi vechikwata ichi.

“Iyo mibvunzo handikwanise kuipindura ndeyevarairidzi venhabvu, ndivo vanoziva kuti ichokwadi here kana kuti kwete,” anodaro.

Kumutambo weCHAN, maWarriors ndiyo ega chikwata chakabva kunyika isiri kutambwa nhabvu pari zvino.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×