Akafa atsikwa nemota yababa

Kingstone Mapupu

MWANA aive negore nemwedzi mina yekuberekwa wekuBindura anonzi akatsikwa ndokufa nemotokari yababa vake iyo yakangoerekana yave kufamba isina mutyairi pachivanze chevabereki vake.

Tsaona iyi inonzi yakaitika nguva pfupi yadarika kuTatanya Village 3 Farm, kuBindura.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central — Assistant Inspector Naison Dhliwayo — vanoti Leah Kajokoto aitamba nemukoma wake ane makore masere ekuberekwa vari kuseri kwemotokari yababa vavo, Amon Kajokoto, Isuzu KB300, yaive yakamiswa pachivanze.

“Vana ava pavaitamba, motokari iyi inonzi yakangotanga kufamba yoga ichidzokera kumashure ndokutsika Leah Kajokoto akakuvara zvakanyanya mumusoro. Mwana uyu akazoendeswa kuchipatara cheMt Darwin asi ndokufa. 

“Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa ekuMt Darwin, mutumbi wemwana uyu ukazoendeswa kuchipatara kuti unoongororwa nanachiremba,” vanodaro Asst Insp Dhliwayo. 

Vanoti tsaona dzemhando iyi dzinokonzerwa nezvakawanda sekuti motokari inogona kunge isina zvakakwana zvinosanganisira mabhureki. 

“Sevatyairi, kana tiine motokari padzimba dzedu kana pose-pose mungava mugaraji, ngationei kuti dzine zvakakwana. Kana tichiziva kuti hadzina hand break, ngatiisei matombo kumavhiri ose anotsigira kuti dzisafambe. Chionai tasvika pakurasikirwa nemwana nekuda kwezvinhu zvataigona kudzivirira,” vanodaro. 

Asst Insp Dhliwayo vanoti nyaya iyi iri kuenderera mberi nekuferefetwa. 

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×