Chitungwiza yatarisana nezvirwere

Phillipa Chinhoi-Mukome

VAGARI vekuChitungwiza vobatira hana dzavo mumaoko vachityira kuti munzvimbo yavo mungangonyuka zvirwere zvemanyoka zvinosanganisira cholera zvichitevera mvura zhinji yakanaya svondo radarika zvikaita kuti mvura yemasuweji ipedzisire yopinda mudzimba nedzimwe nzvimbo dzavanochera mvura yekushandisa.

Dzimba zhinji dzemuUnit N, O, P nekuL Extension dzakazara nemvura, dzimwe kusvika mumahwindo masvondo maviri adarika.

Mvura yekunaya iyi yakasangana neyemasuweji inobva mupombi dzinofambisa tsvina idzo dzakaputika.

Mumwe wemigodhi waicherwa mvura kuUnit O kuChitungwiza uyo wave nemvura yemasuweji.

Vakuru vekanzuru yeChitungwiza neveHurumende svondo rapera pamberi vakamema nzvimbo dzemudhorobha iri zvichitevera dambudziko iri nechinangwa chekuona mamiriro ezvinhu.

Mai Josephine Nherera vekuUnit N vanoti kare vaimbochera mvura mumigodhi isina kuchengetedzeka izvo zvisisakwanisike pari zvino zvichitevera kunaya kwemvura yakawanda iyo yakasiya matsime aya azara nemasuweji.

“Dambudziko ravepo nderekuti tave kutya kuenda kuzvibhorani kunochera mvura uko kuri kuzarisa nevanhu. Vazhinji kuzvibhorani uku havasi kupfeka masiki zvakanaka apa nyaya dzinenge dzichitsva. Mubato wechibhorani wekudhaisa mvura unobatwa zvakare nevanhu vakawanda zvinove zvinotyisa sezvo zviine njodzi yekuparadzira chirwere cheCovid-19,” vanodaro Mai Nherera. 

Vanoti kudai kanzuru yavo yakwanisa kuvabatsira nemvura yemupombi.

Mvura yesuweji iyi yaierera nepakati pedzimba svondo rino kuUnit N, kuChitungwiza.

“Kubvira tichigara kuUnit N muna 2016, hatisati tambowana mvura papombi,” vanodaro Mai Nherera. 

Vakafanobata chigaro chemunyori mukuru wekanzuru yeChitungwiza, Dr Tonderai Kasu, vanoti vari kuedza nepose pavanogona kuti vanhu vawane mvura yakachena yekushandisa mudzimba.

“Mvura yedu inobva kuHarare saka hatina simba rakanyanya rekuti tibva tati tipeyi mvura mazuva ose,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Chitungwiza pachayo inoda 70 mega liters dzemvura pazuva asi tiri kupihwa 30 mega litres pasvondo.” 

Vanoti zvakakosha kuti vanhu vari kuchera mvura pazvibhorani vazvidzivirire kubva kuchirwere cheCovid-19.

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×