‘Kuchipatara ndaitya kunoongororwa ropa’
Hardway Nyakuwarwa
MURUME wekwaRusape akapotsa aenda kwamupfiga nebwe nguva pfupi yadarika apo akafenda mushure mekunge abuda ropa rakawanda ndokunomukira kuchipatara apo ainge azvichecheudza oga.
Zororai Hativagoni (32), uyo anogara kwaTandi, kwaMatautse, anoti akazotakurwa neamburenzi kuendeswa kukiriniki angova chadzimira, ndokuzonofefemukira kuchipatara chikuru cheRusape General Hospital mushure mekunge azvichecheudza nereza.
“Pandakanzwa nezvechirongwa chekuchecheudzwa ichi, ndakachifarira sezvo chichinzi chinoderedza kupararira kwehutachiona hweHIV neAIDS. Ndakatenga reza yangu ndokuzama kuzvichecheudza asi chandisina kuziva ndechekuti zvinouraya nokudaro ndakabuda ropa rakawanda kwazvo.
“Ndakazotanga kunzwa kupera simba asi zvakazoitika mberi kuti ndakasvika kuchipatara sei handina kuzoziva nekuti ndakange ndafenda” akadaro Hativagoni. Anoti pakuzvichecheudza apa aiedza kubvisa kakanda kekunze kesikarudzi yake asi akakundikana achibva azvicheka tsinga izvo zvakaita kuti arasikirwe neropa zhinji.
“Ndiri kuchipatara kwandairapwa, ndakazoita rombo rakanaka rekupedziswa kuchecheudzwa zvakanaka. Ndinotenda varapi vakandibatsira nhasi ndiri mupenyu,” akadaro.
Hativagoni anoti akange asarudza kuzvichecheudza oga nekuti aitya kunoongororwa utachiona hweHIV kuchipatara kana kukiriniki.
“Ndakange ndichitya zviya zvekuti munhu anofanira kutanga aongororwa utachiona hweHIV asati achecheudzwa. Saka ndakasarudza hangu kuzvichecheudza ndega kumba sezvinongoitwawo nemamwe marudzi anochecheudzana akadai seVaremba nemaShangani,” akadaro.




