Vana vava nhubu: ptuz
‘Wangu ini maticha rovai’
‘Iyi imhirizhonga – Zimta
Isu tichangovasiya: Ticha
Muchaneta Chimuka
VANA vechikoro pamwe nevabereki vari kupa pfungwa dzakasiyana pamusoro penyaya yekuti vadzidzisi votenderwa here kuranga vana vachiita zvekuvarova kuzvikoro.
Izvi zvinotevera chikumbiro chakaitwa nerimwe sangano revarairidzi, iro rakanyorera kumutungamiriri wenyika, President Mugabe, richikumbira kuti maticha apihwe mvumo yekurova vana zvakafanira muzvikoro.
Pasi pemutemo uri mubumbiro idzva reZimbabwe, reAmendment (Number 20) Act of 2013, hazvibvumidzwe kuranga vana kana vanhu vakuru vachiita zvekurohwa.
Muchinyorwa chakatumirwa kuna President Mugabe, munyori mukuru wesangano reProgressive Teachers Union of Zimbabwe (PTUZ), VaRaymond Majongwe, vakati kurambidzwa zvachose kwekurangwa kwevana muzvikoro vachita zvekurohwa kuchaita kuti vana vapedzisire vave nhubu dzemandiriri nekuti vanenge vachiziva kuti havarangwe nekurohwa.
Vakati sangano ravo riri kutambira zvichemo kubva kuvadzidzisi avo vari kuti misikanzwa yave kuwanda muzvikoro nekuti vana vave kuzviziva kuti hazvibvumidzwe kuti varohwe.
VaMajongwe vakati sangano ravo riri kukumbira kuti varairidzi vapihwe mvumo yekuranga vana zvakafanira.
Kwayedza yakataura nevana zvose nevabereki pamusoro penyaya iyi.
Charmaine Asali (18), uyo ari kuita Upper 6 paDirect Contact School, muHarare ari zvakare kanzura wevechidiki anoti kurohwa kwevana muzvikoro hakudiwe zvachose.
“Hazvina kunaka kuti vana vagare vachirohwa. Kana ivo vanhu vakuru vasingade kurohwa ko, isu tinenge tadii? Handiti havadiwo kurwadziwa?
“Kana vana vakarohwa muzvikoro vanotozoramba kuenda kuchikoro kwacho nekuti vanenge vave kutya kuti tave kuenda kunorohwa uye zvinoita kuti mwana asadzidza zvakanaka,” akadaro.
Eugene Mkaratigwa (18), uyo anodzidza pachikoro chimwe chete ichi, anoti kana varairidzi vakapihwa mvumo yekurova, vamwe vanotogona kukuvadza kana kuuraya vana vachivazhambaradza.
Asi Mai Memory Gideon (32) vekuAvondale, muHarare, vakapokana nepfungwa dzevana ava vachiti vana vanofanira kurohwa zvakafanira muzvikoro kuti vabudirire muzvidzidzo zvavo.
“Varairidzi vaberekiwo sesu, saka vane kodzero yekuranga vana kana vachinge vatadza kwete kuvarezva. Tine vana vanorova maticha zvekuti vamwe vave kutadza kufamba munharaunda kana kunwira doro murukisheni asi vari ivo vanhu vari kuedza kuumba remangwana ravo,” vakadaro.
VaMartin Tawanda (34) vekuChitungwiza vanoti vana vanofanira kurangwa muzvikoro.
“Kana vanhu vachiti vana vasarohwa zvakangofanana nekuti kana vanhu vakapara mhosva havafanire kuenda kujeri. Ini ndinoti kwese kuranga kwakangofanana, kunofanira kuitwa nemurairidzi kuti mwana apinde mugwara,” vakadaro.
“Ini kuchikoro kwemwana wangu ndakatoendako ndikaudza
maticha kuti wangu rovai nekuti ndinoziva kuti kana vakasadaro hapana chinobuda. Kana iri Hurumende iri kuti vana ngavasarohwa zvinorevawoka kuti ndiyo inofanira kubvisa fizi dzevana!
“Ini ndakadzidza paSeke 2 High ndikabuda ne7 subjects. Kudai ndakange ndisingarohwe ndingadai ndiri mujeri nhasi uno nekuti ndaive nehunhu hwakaipa, ndaidhakwa zvakashata.”
VaWalter Mushaiwa (23) vekuBindura University of Science and Technology, avo vanove mudzidzi vari mubereki zvakare, vanoti vana vanofanirwa kurohwa zvakafanira.
VaSifiso Ndlovu, avo vanove chamangwiza wesangano rinomiririra varairidzi, reZimbabwe Teachers Association (Zimta), vanoti varairidzi vanofanira kutsvaga dzimwe nzira dzekuranga mwana kwete kurova nekuti iyi ndeimwe mhando yemhirizhinga inoshungurudza vana panyama nemupfungwa.
VaDewa Mavhinga, avo vanoona nezvekodzero dzevanhu, vanoti dambudziko guru rine vabereki nevarairidzi nderekuti vanofunga kuti kurova vana ndiko kunoita kuti vave nehunhu.
“Handizvoba nekuti kurova vana hakupinzi mugwara asi kuti kurwadzisa mwana munyama nemupfungwa,” vakadaro.
Mumwe murairidzi uyo akaramba kudurwa nezita rake anoti vana vechikoro vanofanirwa kurangwa zvine mwero.
“Kubvira Grade 1 kusvika kuA-Level vana vanofanira kurohwa nekuti hatitarisire kuti vanenge vave vabereki kunyangwe dzimwe nguva zvichidaro. Kubvira pakadzikwa mutemo wekuti vana vasarohwa, tave nedambudziko guru muzvikoro nekuti tave kungovatarisa vachiita zvavanoda,” akadaro.




