Akaitira weti mupoto. . . agumburiswa nemukoma wake

weti
Nyore Madzianike

MURUME wekuWarren Park D, muHarare akaendeswa kudare redzimhosva nemukoma wake achipomerwa mhosva yekuitira weti mupoto pamwe nekuparadza midziyo yemumba mushure mekunge vanetsana. Alban Mutambisi, uyo anogara panhamba 440 5/137 Street, Warren Park D, akamiswa mudare reHarare Magistrates’ Courts zvichitevera kumhan’arirwa kwaakaitwa naSungano Mutambisi.
Vaviri ava vanogara pamba pamwe chete.

Muchuchisi Nyikadzino Machingura akati nemusi wa21 Chivabvu gore rino, Alban anonzi akaba terevhizheni, matiresi nejuzi zvemukoma wake zvaikosha US$70.

Muchuchisi Machingura akati Alban anonzi akazonetsana nemukoma wake ndokupedzisira apwanya midziyo yemumba inosanganisira ndiro nemakomichi zvedhaga.

Midziyo iyi inonzi yaikosha US$15. Mambakwedza emusi mumwe chetewo, Alban anonzi akatanga kuita ruzha rwakatadzisa vamwe vanhu vanogara pamba apa kurara. Sungano anonzi akamuka achida kuudza munin’ina wake kuti aregere kuita ruzha, ndipo paakaona Alban achiitira weti mupoto. Akabva aenda kumapurisa kunomhan’ara nyaya iyi.

Alban akaramba mhosva paakamiswa pamberi pamutongi Victoria Mashamba achiti midziyo yaainzi akaparadza yaive yake.
“Midziyo yandiri kunzi ndakaparadza ndeyangu yandakashandira panguva yandaisevenza kuSouth Africa. Mukoma wangu nemukadzi wavo vaishandisa midziyo yangu,” akadaro Alban.

Mutongi Mashamba akati nyaya yevaviri ava idzoke kudare zvakare apo Alban achapihwa mutongo wake.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×