Vokweshana mumakwikwi ekurodza pfungwa

Daphne Machiri
GADZIRIRO dzemakwikwi eNational Debate Competition, ayo achaitwa nguva pfupi iri kutevera aine chinangwa chekubatsira vadzidzi nekuvarodza pfungwa dzavo, dzave padanho repamusoro. Muhurukuro nemunyori mukuru weHarare Polytechnic Debate Society, Karen Chinembiri, anoti gore rino vakaronga makwikwi ane musiyano.

“Chirongwa ichi chava pa6th Edition uye gore rino tiri kuitira gungano iri paHarare Polytechnic,” akadaro Chinembiri.
“Gungano remakwikwi aya riri kupindwa nevadzidzi vekumakoreji nemayunivhesiti anokwana 11, avo vachange vachitaura pamusoro penyaya nemadingindira akasiyana.”

Anoti makwikwi aya anobatsira vadzidzi kurodza pfungwa dzavo pamwe nekuti vave nehushingi mune zvose zvavanoita.
“Makwikwi aya anogadzirira vadzidzi kuti kana vapedza chikoro vave nehushingi hwekutaura pane vanhu vakawanda sezvo vari ivo vatungamiriri vemangwana,” akadaro Chinembiri.

Makwikwi aya achatanga musi wa10 achipera musi wa18 Nyamavhuvhu kusvika uye achange achikotsverwa nevePopulation Services International.

Sangano reContemporary Affairs Foundations (CAF) ndiro rinoronga pamwe nekutungamirira makwikwi aya.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×