Akakandwa musuweji….vanetserana chikwereti

Nyasha Mutena
MURUME wekuChitungwiza wekupomerwa kuramba kubhadhara chikwereti, anonzi akapona neburi retsono apo akazvambaradzwa ndokuzokandwa mumugero waive uzere tsvina yesuweji ndokusara akuvara gumbo. Shingirai Manyowa (32), anogara panhamba 287 Unit G, kuChitungwiza, akazopotera kuChitungwiza Magistrates’ Courts zvichitevera kuzvindikitwa kwaakaitwa naZivanai Kachidza (25), uyo anogara panhamba 976 kuUnit G kwakare.

Muchichisi Tendai Mukariri akaudza dare kuti nemusi wa16 Chikumi gore rino zuva rodoka, Manyowa ainge ari kubasa kwake kuEngene Service Station iri paMakoni, kwakare kuChitungwiza, apo Kachidza anonzi akaenda kunomubvunza chikwereti chemari yaaiti aive amukweretesa.

Manyowa anonzi akaramba kuti aiziva nezvechikwereti ichi izvo zvakatsamwisa Kachidza uyo akamutyisidzira achiti akasabhadhara mari iyi aizomuuraya.

Kachidza anonzi akabva amuzvuzvurudza ndokunomukanda mumugero waiva nemvura ine tsvina yesuweji wakareba mita rimwe chete kudzika.
Muchichisi Mukariri anoti panguva iyi gumbo raManyowa rekuruboshwe rakabva rakuvara apo bonzo rakasvodogoka.

Manyowa ainge achiri muchipatara panguva yakatongwa nyaya iyi uye anonzi anonzi akakuvara zvakaipisisa. Mutongi Lazarus Murendo akati kutongwa kwenyaya iyi kuchaenderera mberi kana magwaro anoratidza kuti kurapwa kwaManyowa kwakaita marii uye kuzosvika nguva iyi, Kachidza anenge ari muchizarira.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×