‘Murwere’ akaba mari nenhare

Nyasha Mutena
MUDZIMAI wekwaSeke wekubatsira mumwe mukadzi waaifunga kuti murwere, uyo akawira pamakumbo ake achiti ainzwa dzungu, akazozvidemba apo akabirwa mari pamwe chete nenharembozha kuChitungwiza nguva pfupi yadarika. Gladyness Mabukwa (28) anogara kwaRubatika, kumaruwa ekwaSeke, akaendesa Chenai Muzanenhamo wekuChitsvatsva, kwekare kwaSeke, kudare reChitungwiza Magistrates’ Courts achimupomera mhosva yekumubira nharembozha dzake nhatu, R200 pamwe neUS$603 zvose zvinokosha US$880.

Mabukwa akaudza dare kuti zuva rodoka musi wa28 Chivabvu gore rino, Muzanenhamo akawira pamakumbo ake apo aizvifambira achienda kuchitoro cheTM Supermarket chiri kwaMakoni.

Mabukwa nemumwe mudzimai, uyo asina kutaurwa zita rake mudare, vanonzi vakazotakura Muzanenhamo vachida kumubatsira ndokunomugarisa panzvimbo yakanaka apo akazokumbira kuti vamutengere mapiritsi anonyaradza marwadzo muchitoro cheTM Supermarket.
Mabukwa anoti akazoona ava maTM kuti ainge akanganwa bhegi rake raiva nemari pamwe nenharembozha uye paakati anozvitora, akawana yava nzvimbo chete, Muzanenhamo asisipo. Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa zvikaita kuti Muzanenhamo, uyo anoshandira paMakoni, abatwe nemapurisa.

Pakumira kwaakaita mudare, Muzanenhamo akaramba mhosva yaaipomerwa.
Muchuchusi munyaya iyi aiva Tendai Mukariri.
Mutongi Lazarus Murendo akati Muzanenhamo abhadhare US$50 yebhero uye kutongwa kwenyaya iyi kuchiri kuenderera mberi.

Related Posts

Mhirizhonga inokanganisa budiriro yenhabvu yeZim

Tadious Manyepo AIMBOVE kaputeni wechikwata chemaWarriors, Willard Katsande, anoti budiriro munyaya dzenhabvu muZimbabwe inogona kudzokera kumashure zvakanyanya kana pachitariswa zviitiko zvakaita semhirizhonga yakaitika kuChahwanda Stadium, kuKwekwe, nomusi weSvondo wadarika apo…

Hadebe orangarira amai vake ne‘tattoo’ rechipiri

Blessing Malinganiza NOMUSI wa25 Chivabvu, makore mapfumbamwe adarika, upenyu hwemutambi wemaWarriors neFC Cincinnati, Teenage Hadebe, hwakashanduka zvachose zvichitevera kurasikirwa kwaakaitwa naamai vake Sellinah. Anoti amai vake ava ndivo vaive murairidzi…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×