Akakwapurwa akumbira mari yekurapisa mwana

VANHU vaive mudare vakashaya neremuromo apo mumwe mukadzi akati nyaya dzemari hadzitaurwe mumba mavo uye murume wake anomurova kana achinge akumbira mari yekunorapisa mwana wavo paanenge arwara.
Muchuchisi wedare reChitungwiza Magistrates’ Courts, Norman Koropi, akati Synodia Moyo (33) wekubhuku raRibatika, kwaSeke akapotera kudare mushure mekunge arohwa nemurume wake, Norman Matanhure (44), apo ainge akumbira mari yekunorapisa mwana akange achirwara.

Moyo paakati kumurume wake aida mari, Matanhure akatanga kupopota achimuti aimunetsa uye akanga asisade zvekugarisana naye.

Muchuchisi Koropi akati Matanhure akabva atanga kusairira Moyo nemwana panze apo Moyo akaramba kubuda ndokurohwa nezvibhakera pamwe nembama kumeso zvikaita kuti anzwe dzungu.

Matanhure akabva aramba achitsondokota mukadzi wake kusvikira akazonunurwa nevavakidzani, avo vakazomuperekedza kumapurisa Matanhure ndokusungwa.

Mudare, Moyo akati murume wake anomurova pamadiro.

“Murume uyu akandirovera kukumbira mari yekurapisa mwana wedu. Ndikangokumbira mari chete ihondo mumba, hamudyiwe rinopisa nekuti zvemari hazvitenderwe kutaurwa mumba medu.

“Semunhurume, ainditi handina chandinomuita nguva dzese paanondirova, anongoita hake zvaanoda. Zvino apa ndakarwadziwa chose, mwana aitofa baba varipo nokuti zvemari havadi kuzvinzwa, handitenderwe kuikumbira kana pangoita dhora anoti gotsi papata kuoma,” akadaro Moyo.

Matanhure akaramba zvaitaurwa nemukadzi wake achiti:
“Anonyepa uyu. Mari handirambe nayo asika zvekungopfachura ndizvo zvinonetsa sababa vemba ndinotofanira kuona kuti mumba muri kuitwa zvinhu kwazvo here.”

Mutongi Lazarus Murendo akati hazvikodzere kuti baba vakumbirwe mari yekurapisa mwana wavo uye kana izvi zvikaitika zvinoratidza kusava nehanya zvachose.

Matanhure akanzi adye refovhoro kwemwedzi misere achishanda zvakaomarara mushure mekubatwa nemhosva yekurova mudzimai wake zvakaipisisa.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×