‘Uri mukadzi wemunhu, asi . . . . Tinongodanana’

VANHU vaive mudare vakanzwiririra apo mumwe murume akange amhan’arirwa neaimbove mukadzi wake achinzi ari kumushungurudza akati mudzimai uyu ipfambi sezvo achimushevedza kumba kwake kuti vasasane apo murume wake mutsva waave kugara naye anenge asipo.

Michelle Chakanyuka akanga aendesa Tukai Kwaramba kuHarare Civil Court achida gwaro rerunyarararo.

“Ndatambudzwa nemurume uyu, ndakamuramba ndikazviwanira aida zvekundiroora asi iye anoramba achindishungurudza. Anonditi ndinoda kukurambisa chete uye kuudza murume wangu kuti mwana ndewake.

Akatanga kundishungurudza ndakazvitakura achituma vanhu kumba kwangu zvekuti ndinetsane nemurume wangu.

“Iye zvino imba yangu yamira negumbo rimwe, anouya murume wangu asipo oti anoda kuzviuraira pamba pangu.

Ini ndakasiyana naye kare asi anoda kuita chikwekwe neni. Handina chekuita naye, handimude ndakamuramba kare uye ndine murume wangu,” akadaro Chakanyuka.

Akati Kwaramba anotumira mashoko asingaite kuburikidza neWhatsApp achimutukirira.

Kwaramba akapikisana naChakanyuka achiti vanowirirana uye vanodanana.

Akati: “Ishe wangu, zvinotaura amai ava manyepo tinodanana, tinotozivana. Vanotoita chipfambi, ndivo vanototi kana murume wavo asiko vondichaira nhare kuti ‘huya’ ndoenda.

“Pavanenge vapedza neni vanenge vave kuda zvekundidzinga ini manje ndinenge ndave kuda kuzororerawo. Ndipo patinopesana ipapo, ndovatukirira. Hatina kumbobvira tarambana kana ndivo vanoita gumbo mumba, gumbo kunze. Ndinototyawo kubatwa nemurume wavo.

“Ini handiregi kuuya kana ndichida asi wave kuda kundidzinga nhasi wapedzaka kundishandisa? Ukada kutoita zvekushamisira ndinouya murume wako aripo ndigokufugura hapwa ukarambwa. Futi ini wacho ndinokuseka ukasara wava pachena.”

Mutongi Babra Masinire akati Kwaramba asashungurudza Chakanyuka nenzira ipi zvayo uye asaende kumba kwake.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×