Akamuka chibhebhenenga arambwa

KURAMBWA nemukadzi waaidisisa kwakarwadza mumwe murume wekuChitungwiza uyo akamuka chibhebhenenga ndokuenda kumba kwemudzimai uyu akanopwanya midziyo yemumba. Muchuchisi wedare reChitungwiza Magistrates’ Courts, Norman Korapi, anoti Deron Musarurwa (27) – wepanhamba 1584 Unit B Seke – akarambwa nemukadzi wake, Rumbidzai Medzai (29), izvo zvakamurwadza.
Musarurwa akazopopotera Medzai panhare achishandisa WhatsApp apo akati aizomugadzirisa pamwe nekumupfidzisa.

Achipa umboo hwake mudare, Medzai akati rimwe zuva akazoona Musarurwa apinda mumba maaive nepafafitera ndokutanga kuparadza midziyo yaivemo.

Medzai akati akazopona nepaburi retsono apo akatizira panze ndokunomhan’ara kumapurisa ayo akauya akawana Musarurwa ari mushishi kuparadza midziyo.

Musarurwa akazorova mumwe mupurisa akaedza kumubata kuti aregedze bongozozo raaiita zvakazoita kuti mapurisa aya abatsirane kumuisa ngetani.

“Musarurwa akarwadziwa nekurambwa neni. Aimbove murume wangu aishusha nokudaro ndakanga ndisisazvigone hangu. Haadi kurambwa, ndiye akazondiudza kuti aida kundigadzirisa, kundikaurisa ndikashaya kuti airevi.

“Ndakazomuona apinda mumba mangu usiku nepafafitera ndokuparadza midziyo ini wacho ndakanga ndave kuda kutopondwa ndakakwanisa kupukunyuka ndokunomhan’ara asi akarova mumwe wemapurisa andainge ndauya nawo,” akadaro Medzai.

Musarurwa haana kuda kupedzera dare nguva sezvo akabvuma mhosva yake achiti akaita izvi nekuda kwekuti akange agumbuka nekurambwa kwaakaitwa.

Mutongi Lazarus Murendo akati munhu kana arambwa hazvina kunaka kungoramba achimanikidzira rudo, nekudaro Musarurwa akanzi abvise faindi yeUS$106.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×