Xabi Alonso oti haasati aziva kuti acharega rini kutamba

MUTAMBI weReal Madrid, Xabi Alonso, anoti haasati aziva kuti World Cup iyi ndiyo ichange iri yake here yekupedzisira achitambira nyika yake yeSpain. Mutambi uyu, uyo ane makore 32 ekuberekwa, ari kugadzirira kunotamba kumutambo mukuru wechitanhatu nenyika yake zvichitevera kuhwina kwavakaita World Cup ya2010 pamwe neEuropean Championships kaviri mugore ra2008 na2012.

Mutambi weReal uyu akakundikana kuenda kumutambo weConfederations Cup gore radarika sezvo ainge akakuvara asi akazopora kuti abatsire Los Blancos kuhwina mukombe weUEFA Champions League mwaka uchangodarika.

Akati anogona kuramba achitambira nyika yake makore anotevera asi hunge kana muviri wake uchimutendera.
“Handisati ndaziva kuti ndichasiya kutambira Spain here pakupera kweWorld Cup ino,” Alonso akaudza Spanish radio Cope.

“Parizvino ndiri kufunga zvakanyanya nezveWorld Cup uye zvakawanda ndichazviona nekuti ndichange ndichinzwa sei panopera mutambo uyu, ndozokuudzai zvandinenge ndaronga.

“Kana muviri wangu uchidaidzira kuti kuti unoda kuti ndirambe ndichitamba nhabvu, ndinoenderera mberi.”
Shasha iyi, iyo yakambotambira Liverpool, haana kutamba apo Real Madrid yakaumburudza Atletico Madrid 4-1 mufainari yeChampions League nekuti ainge aimbomiswa apo  akapemberera gobhora raGareth Bale muextra-time ndokumhanya munhandare kunopembera nevamwe vatambi.

Alonso akabvuma kuti zvakamudzimba zvikuru kusatamba pafainari kuLisbon zvisinei nekupembera zvakapfurikidza kwaakaita.
“Handina kuchema kuti handina kutamba, asi ndakachema neimwe nzira mukati memwoyo wangu,” akadaro.

“Pamusoro pezvo, handizive pandakambofara kufarira mutambo wandisina kubvira ndambotamba sezvandakaita. Ndaida chaizvo kuhwina Champions League. Kana uchitambira Real Madrid ukasahwina mukombe uyu, une kamweya kanenge kari mauri kanenge kachiti hausati wanyora nhoroondo munhabvu.” — Sky Sports News

Related Posts

President Mnangagwa vochema Chivayo, mudzimai wake nevamwe vatatu

Munyori weKwayedza Mutungamiri wenyika President Mnangagwa varatidza kuvhunduka kukuru pamwe nekusuwa zvichitevera kufa kwamuzvinabhizimusi Wicknell Chivayo, mudzimai wake Lucy Muteke nevamwe vanhu vatatu mutsaona yechikopokopo kuMarondera nezuro. Mumashoko enyaradzo, President…

Chiremba wemanyepo akavhiya munhu pahuro akafa

NaArron Nyamayaro MUMWE chiremba wemanyepo anonzi akakonzeresa kufa kwemumwe mukadzi mushure mekumuvhiya pahuro zvisiri pamutemo vari pane imwe imba kwaSeke. Mapurisa anoti Douglas Mutore, wekuChitungwiza, akaenda kuna Muzvare Magret Gwamura…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×