Akananga amai huroyi

Yvonne Chidochashe Manyanja

MWANASIKANA wekunanga amai vake huroyi akazvisikira moto muziso zvichitevera kutadza kudzorera mari yaanonzi akakwereta kuti atenge mombe yekuvaripa zvakazoita kuti amiswe mudare redzimhosva.Farai Muchenjekwa akakwidza nyaya kuHarare Civil Court achida kuti munin’ina wake Rosemary Muchenjekwa amudzosere mari yaakanga amukweretesa kuti atange mombe yekuripa amai vavo avo anonzi akapumha huroyi.

Farai akati akapa Rosemary mari iyi sechikwereti nekudaro anofanira kumudzorera.

“Patakambopinda mudare munin’ina wangu akanyepa kuti akanga asina chikwereti changu asi mukamubvunza anokuudzai kuti ndakamupa $200 achida kutenga mombe yekuripa amai kuvananga huroyi kwaakaita. Pamusoro pezvo, haana kutenga mombe iyi achiti akanga arambidzwa kuitenga nekuti akati akanga achida kuzoiripa mushure mekunge amai vafa.

Pavakafa pacho, vanasekuru vakaramba kuitambira vachiti yaizodyiwa nani saka zvakange zviri nani aregedze hake,” akadaro.

Rosemary akaramba zvakanga zvataurwa nemukoma wake achiti akamupa mari kuti abatsirike kwete sechikwereti.

“Mukoma wangu ari kuda kungwarisa nekuti hatisi kuwirirana. Kana iri mari yemombe yaari kutaura akandipa achiti ndiwane kubatsirika mushure mekunge tagara pasi semhuri. Iye akabvisa $200 ini ndikabvisa $250 imwewo ikazopedzeswa nehanzvadzi yedu takatotenga mombe mbiri.

“Imwe mombe yaiva yehumai imwe iri yekuripa tikatonodzipa baba asi dzakazongofuma dzakafa, hatizivi chakadziuraya,” akadaro.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akati Rosemary naFarai vadzoke kudare zvakare uye vanofanira kuuya nevafakazi vanoziva nyaya iyi.

Related Posts

MaWarriors dhuma-dhuma neSierra Leone

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika chenhabvu chemaWarriors chiri kupinda muhondo nhasi apo chiri kusangana necheSierra Leone mumutambo wekurwira kuenda kumakwikwi e2027 Africa Cup of Nations. Mutambo wemaWarriors neLeone Stars uri kutambirwa…

MaLady Chevrons obandana neWest Indies

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika checricket chemadzimai, chemaLady Chevrons, chiri kupinda muhondo kutanga svondo rino, apo chichatatsurana necheWest Indies mumitambo mitanhatu. MaLady Chevrons neWest Indies zvichasangana mumitambo inoti mitatu yeOne-Day International…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *