Mutumbi wemwana wakapiswa wakanhongwa

Esau Hokonya ari kuGweru

MUTUMBI wemwana mukomana anofungidzirwa kuti ange ari pasi pemakore matanhatu okuberekwa wakawanikwa wakapiswa svondo rapera kuMkoba 20, kuGweru.Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Assistant Inspector Ethel Mukwende, vanoti nemusi wa24 Chikumi nenguva dzemasikati, mapurisa epaNehanda Police Station vakanyeurirwa naTaurai Mauchaza (44) anogara panhamba 1425 Mkoba 13, kuGweru kwekare kuti ainge aona mutumbi wemwana wakapiswa mudondo kuMkoba 20. Mauchaza anonzi akaona mutumbi uyu aine shamwari yake, Reason Gundani (40), uyo anogara kuMkoba 16, apo vaitsvaga huni.

Mapurisa haana kukwanisa kuziva mwana uyu nokuda kwekuti mutumbi wake wakatsva wose asi zvinofungidzirwa kuti akapondwa ndokuzopiswa.

Asst Insp Mukwende vanoti mutumbi uyu wanga watowora uye mawoko nemakumbo akadyiwa nedzinofungidzirwa kuti imhuka dzesango.

Mutumbi uyu wakazoendeswa kuGweru General Hospital kuti uongororwe nanachiremba.

Asst Insp Mukwende vanoti kuMkoba 15 nguva yadarika kune mwana mukomana ane makore (4) anonzi Blessed Muringo uyo ave nemavhiki maviri asingazivikanwe kwaari.

Amai vaBlessed vanonzi vakadeedzwa nemapurisa kuti vaone mutumbi wemwana akawanikwa akafa uyu asi havana kukwanisa kuziva kuti ndewavo here nekuti akange asingachaonekwi kumeso nemuviri wake nekuda kwekutsva.

Related Posts

MaWarriors dhuma-dhuma neSierra Leone

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika chenhabvu chemaWarriors chiri kupinda muhondo nhasi apo chiri kusangana necheSierra Leone mumutambo wekurwira kuenda kumakwikwi e2027 Africa Cup of Nations. Mutambo wemaWarriors neLeone Stars uri kutambirwa…

MaLady Chevrons obandana neWest Indies

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika checricket chemadzimai, chemaLady Chevrons, chiri kupinda muhondo kutanga svondo rino, apo chichatatsurana necheWest Indies mumitambo mitanhatu. MaLady Chevrons neWest Indies zvichasangana mumitambo inoti mitatu yeOne-Day International…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *