Akanyn’udzwa nemufakazi

court-hammer-scales-670
MUKADZI wekuuya nemufakazi achida kuti apupure mari inowanikwa nemurume wake pamwedzi, uyo waakange adhonzera kudare nenyaya yemendenenzi, akagurwa kunorira apo akareverera murume wake. Leah Mupiri akamhan’arira Shephard Mupiri kuHarare Civil Court achida $250 yekuchengeta mwana mumwe chete.

Mufakazi munyaya iyi, uyo anova munin’ina waShephard, akaudza dare kuti muchitoro chaanotengesa icho chinova chemukoma wake, anowana purofiti yeUS$20.

“Mufakazi wangu ari kutaura zvekunyepa nechikonzero chekuti munin’ina wemurume wangu asi chakaita kuti ndiuye naiyeye inyaya yekuti pamakore matatu andakagara nemurume uyu, ndini ndaitoshanda kushopu kwacho pamwe chete nemunin’ina wake,” akadaro Leah.

“Pasina kumboda kutaura zvakawanda mwana ndewake, anofanira kumuchengeta. Mari iyi ndeye mbatya, zvekudya nepekugara kwete zvavavafurirana izvi,” akadaro Leah.

Shephard akaudza dare kuti chitoro chaanacho hachisi kumupa mari yakawanda zvekuti haakwanisi kuzobhadhara mari yaidiwa.
“Changamire, mangozvinzwirawo zvichitaurwa nemufakazi waakatsvaga achipupura kuti ndinowana $20. Saka $250 yaanoda inozobvepi? Ini ndichangotanga chitoro ichi zvekuti ndinototengesa machisi nemajiggies uye ma‘drinks’ ndoatori chinhu chihombe pazvinhu zvandinotengesa. Saka handisati ndava kubata mari nekudaro ndakatsvaga munin’ina wangu kuti apote achitengesa nekuti handitokwanisi kubhadhara mushandi pari zvino,” akadaro Shephard.

“Ndinongoda kuti azive kuti pari zvino pandimire pakaoma ndiri kutochengetwa nevabereki ndichitoita zvekusunza asi mwana ndozviziva kuti anoda kuchengetwa. Ndinogona kumupa iyo US$20 yacho yandiri kuwana,” akadaro Shephard.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akati Shephard abhadhare $80 yemendenenzi pamwedzi.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×