Akaona zvidhoma mukombi

Yvonne Chidochashe Manyanja
MUKADZI wekunangwa huroyi nemurume wake achinzi ndiye ari kuita kuti zvinhu zvake zvisamufambire zvakanaka uye kuti mumwe musi akamupomera kuti akange aisa zvidhoma mukombi yake zvikaita kuti izotadze kufamba akazokwira kudare redzimhosva.

Tsitsi Shayarimo akamhan’arira Paul Chirume kuHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza zvikuru.

“Changamire, ndinokumbirisa gwaro redziviriro nekuti murume wangu uyu anondituka nekundirova nekuti anofungidzira kuti ndini ndiri kuita kuti zvinhu zvake zvisafambe zvakanaka. Mumwe musi akauya achipopota achiti akaona zvidhoma zvakapfeka machira machena nematema mukombi yake saka aiti ndini ndiri kumudzivirira kuti asabudirire.

“Akati ndizvo zvakaita kuti kombi yake isafamba uye anonditi ndinoenda kun’anga nehanzvadzi dzake tichinotsvaga mishonga yekuti iye asabudirire. Ndaneta nekutukwa, kunyangwe pamberi pevana,” akadaro Shayarimo.

Shayarimo akaenderera mberi achiti: “Nyaya yakatanga pandakatevera kusitendi yedu yaakange atoisa chikebhini chekuti iye nemukadzi waainge ainaye vagare. Akandipopotera achinditi ndainge ndapihwa mvumo nani kuti ndiendeko.

“Pamusoro peizvi, akabva andibvutira $110 yandainge ndaisa muchikwama changu. Chandiri kuda kuti kuti tigarisane nemurume uyu zvakanaka.”

Chirume akapokana nezvaitaurwa nemukadzi wake achiti chikonzero chekunetsana kwavo ndechekuti Shayarimo akange asingawirane naamai vake nehanzvadzi yake.

“Mukadzi uyu akabva pamba nekuti akange asisawirirane naamai vangu pamwe nehanzvadzi yangu. Ndiye aitondirova asi akatotiza kunogara kumusha. Vanga ramuri kuona iri ishe wangu, mukadzi uyu akandirova nepoto.

“Akaenderera mberi kundituka kuti ‘pano pane vakadzi vana pamurume mumwe’ kureva kuti ndinoita bonde naamai vangu nehanzvadzi yangu pamwe nemumwe mukadzi wandave naye. Ndakaudza mukadzi uyu kuti uri kuda kundishurikidzira ngozi nemashoko auri kutaura akatsamwa. Akabva atiza pamba kwesvondo ndikamutsvaga ndikamushaya,” anodaro.

Mutongi Gamuchirayi Siwardi akapa Shayarimo gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×