Musashungurudze vakadzi vakafirwa: Chikukwa

VERUZHINJI vanokurudzirwa kuti vasambunyikidze shirikadzi nenzira dzakaita sekuvatorera upfumi hwavanenge vasiirwa nevarume vavo kana kuvamanikidza kuti vagarwe nhaka.Kurudziro iyi yakaitwa nguva pfupi yadarika negurukota reHurumende rinomirira dunhu reHarare, Cde Mirriam Chikukwa, pamhemberero dzepasi rose dzezuva rekucherechedza kodzero dzeshirikadzi, reInternational Widows Day, muguta reHarare.

“Kufirwa haisi mhosva. Naizvozvo madzimai vanofanirwa kuziva kodzero dzavo, kunyanya panyaya dzeupfumi hunenge hwasiiwa navanababa,” vanodaro Cde Chikukwa.

Vanoenderera mberi vachiti madzimai anosangana nematambudziko akasiyana mushure mekufirwa nevarume.

“Zuva iri tinoripemberera kuti vanhu vagare vachiziva kuti kufirwa kwevanhukadzi hazvirevi kuti ndiko kupera kweupenyu. Ngatiregedzei kumbunyikidza madzimai akafirwa kuburikidza nezvakaita sekuvagara nhaka ivo vasingade,” vanodaro Cde Chikukwa.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, mukuru wesangano reYOLK, VaGram Makwarimba, vanoti donzvo ravo ndere kusimudzira upenyu hweshirikadzi.

“Donzvo redu ndere kuvandudza upenyu hwevanhukadzi vakafirwa nenzira dzakasiyana dzakaita sekuvapanga mazano pamwe nekuvabatsira mumabhindauko anovapa chouviri,” vanodaro.

 

Related Posts

MaWarriors dhuma-dhuma neSierra Leone

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika chenhabvu chemaWarriors chiri kupinda muhondo nhasi apo chiri kusangana necheSierra Leone mumutambo wekurwira kuenda kumakwikwi e2027 Africa Cup of Nations. Mutambo wemaWarriors neLeone Stars uri kutambirwa…

MaLady Chevrons obandana neWest Indies

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika checricket chemadzimai, chemaLady Chevrons, chiri kupinda muhondo kutanga svondo rino, apo chichatatsurana necheWest Indies mumitambo mitanhatu. MaLady Chevrons neWest Indies zvichasangana mumitambo inoti mitatu yeOne-Day International…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *