Akarohwa mimba ikabva

Esau Hokonya  ari kuGWERU

MUSIKANA wekuGweru ane makore 27 okuberekwa akabva pamuviri mushure mekunge arohwa zvakaipisisa nemudzimai wababa vake. Rosemary Chirume (27) anogara panhamba 2224 kuMkoba 14, anobvuma mhosva yekurova Veller Tsingano (17) izvo zvakazoita kuti abve pamuviri apo akamiswa pamberi pedare reGweru Magistrates’ Courts.Mutongi Misihaioni Shortgame akatemera Rosemary chirango chekugara mujeri kwemwedzi minomwe iyo yakazosendekwa padivi paine chitsidzo chekuti haapari imwezve mhosva yerudzi urwu mukati memakore mashanu.

Mukupa chirango ichi, mutongi Shortgame akatarisawo kuti aka ndekekutanga Rosemary achipara mhosva yakadai.

Muchuchisi Langton Magara akaudza dare kuti nemusi wa17 Chikumi gore rino munguva dzemangwanani, Tsingano ainge akagara mumba maRosemary pamwe chete nemukoma waRosemary, Belinda Chirume.

Pakarepo vaviri ava vakaita kusanzwisisana apo Rosemary aipomera tete vaTsingano kuti vanoroya.

Rosemary akabva arova Tsingano padumbu nechibhakera zvikaita kuti abude ropa rakanyanya achibva aparadzika pamuviri.

Related Posts

MaWarriors dhuma-dhuma neSierra Leone

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika chenhabvu chemaWarriors chiri kupinda muhondo nhasi apo chiri kusangana necheSierra Leone mumutambo wekurwira kuenda kumakwikwi e2027 Africa Cup of Nations. Mutambo wemaWarriors neLeone Stars uri kutambirwa…

MaLady Chevrons obandana neWest Indies

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika checricket chemadzimai, chemaLady Chevrons, chiri kupinda muhondo kutanga svondo rino, apo chichatatsurana necheWest Indies mumitambo mitanhatu. MaLady Chevrons neWest Indies zvichasangana mumitambo inoti mitatu yeOne-Day International…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *