Mahwani emushikashika werudo

IMBWA HAIHUKURE SADZA

PANE rudo rwunotyisa. Rudo rwakafanana nekuisa nyoka yechiva chekuchiva muhomwe. Rudo rwekutsvoda mukanwa merovambira makasviba kunge mukati mehari iri muninga munguva yehusiku hweZhizha.Pane rudo rwusingade kushambadzwa nekuti rudo rwusingabvumirwe. Asi nyangwe zvakadaro, kune vanoti rudo rwunofanira kupenga semunhu ari kuraura hove akamira mumvura ine makarwe. Kune vanoti rudo ngarufanane nekunwa mvura yerwizi nemuromo kusvikira rwizi rwacho rwapwa.

Kune vanoti kana rudo rusingapise semoto unopisa simbi ikanyungudika, harusi rudo. Ichokwadi kune vazhinji vakafira rudo, nekuti rudo chirwere chisina mapiritsi.

Kwayedza yesvondo rakapera yakaburitsa mumwe murume ari kuramba kurambwa nemukadzi wemunhu, nyangwe achiziva kuti mukadzi uyu ane murume wake nemwana. Kunzwa chikomba chichitoti zviri nani kuzviuraya kana kuponda mukadzi uyu.

Chiiko chiri kumboitika chakonzera kuti vanhu vamenye orenji nebanga, asi panzvimbo yekudya orenji vomedza banga? Ko zvekuti mukadzi wemumwe ndimbuyawasha zvakazopera rinhi? Kuti ndiwo maTV, maDVD, mafoni, nemaWhatsApp here atisvitsa pano? Vanhu tave kutamba nerudo zvekuti bhora rinosara pasi.

Asi zvinotisvitsa kupi?

Vanhu tinoziva here mutsauko werudo neruchiva? Kana mukadzi wemuKwayedza apengesa murume uyu achiti chikomba ichi chinoenda kumba kwake zuva nezuva chichiti chinoda kushinha naye, kushinha ndirwo rudo here? Kana munhu achinetsera bonde saizvozvi, hazvisi zvekuda kufadza nekugutsa nyama yake here?

Ko ivo amai ava kana vakanga vaudza chikomba chavo kuti vave kuda kusiyana nemurume wavo nekuti akanga asina kuvimbika, saka ivo zvavakanga vave kuita izvi kuvimbika here? Ko kana vakanga vati vaida kutanga hupenyu hutsva nechikomba ichi, sei vasina kutanga varambana nemurume wavo, vopihwa gupuro vozotanga zvavo zvitsva?

Ipapa ndipo paunonzwa vamwe vachiti zvakakonzerwa nemweya yetsvina. Asika, vanhu havangoerekana vavharirana mumba, vabvisana hembe, vave mumagumbeze vasina kuwirirana. Mviro mviro dzemhanza mapfeka. Kubatwa nehope kunotanga nekushama nyai nekutsumwaira.

Hapana chisina matangiro, mbavha yakatanga nekuba bhiro kuchikoro isati yazopaza bhengi! Saka mweya yetsvina isati yazofurira munhu kuti arasike achipinda mumagumbeze nemunhu asiriye, pane zvakanga zvichiitika nekuti panomera muswe panonyeredza. Asi kana pakanyeredza uchenjere kuti kufanana nerwizi rwakazara, unoyeredzwa.

Gudo risati razopinda mumunda, pane zvinhu zvakawanda zvarinotanga ratarisa. Mumunda mune chibage chakaibva here? Pane ruzhowa here? Pane varindi here?

Gudo risati razopinda mumunda, rinobva kwarinogara richitarisira zvikuru kwazvo kunopinda mumunda. Kufanana nemukadzi wemunhu anopinda mumagumbeze nechikomba, kana nechikomba chinoshinha nemukadzi wemuridzi. Vese vanenge vachitarisira kuonana, asi chikomba hachisi chemunhu, mukadzi ndiye wemunhu saka anofanira kuti kwete.

Chimwe ndechekuti kana vaviri ava vakanga vachitumirana mameseji pamafoni, hapana akanga achimanikidza mumwe. Kana ukasvipira mate mudenga anodzoka achiti pwata kumeso kwako.

Bhaibheri rinoti, “Izvo Mwari zvaakabatanidza, munhu ngaarege kuzviparadzanisa.” Saka munhu ari kutaurwa kuti ari kuparadzanisa ndiani? Kune mumwe munhu here asiri mumwe wevaviri vakaroorana anogona kuvarambanisa? Hakuna!

Munhu ari kutaurwa kuti asaparadzanise zvakabatanidzwa naMwari haasi chikomba chiri kuramba kurambwa ichi, asi vaviri vakawanana vacho. Vakawanana musabvumire mahwindi erudo kukuendesai pamushikashika werudo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×