Akarohwa nemheni pachipatara

MURUME wechidiki akarohwa nemheni akafa nemusi weMugovera wadarika pachipatara cheChitungwiza Central Hospital apo akange aenda kunoona sekuru vake avo vairwara.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa muHarare, Assistant Inspector Tarirai Dube, vanotsinhira nezvechiitiko ichi.

Vanoti Nesbate Chikati (27) wepanhamba 7285 Zengeza 4 ndiye akasangana nenjodzi iyi.

“Nyaya iyi yakaitika nomusi wa12 mwedzi uno (Kurume) apo Chikati akange aenda kunoona baba vake avo vakange vakapihwa mubhedha muchipatara ichi.

“Paakange achifamba kuyadhi yechipatara, ndipo paakarohwa nemheni achibva atakurwa kuendeswa kuEmergency Ward asi akabva angoonekwa kuti akange atofa kare. Pachipfuva pake pakawanikwa paine maronda,” vanodaro.

Asst Insp Dube vanoyambira veruzhinji kuti vasiyane netsika yekumira pasi pemiti kana kuva ivo bedzi chinhu chirefu panzvimbo munguva yekunaya kwemvura senzira dzekudzivirira tsaona dzerudzi urwu.

Mukushi wemashoko pachipatara ichi, Mai Audrey Tasaranarwo, vanoti vakasuwiswa zvikuru nenjodzi iyi.

“Ichokwadi, nyaya iyi yakaitika pachipatara pano apo murume uyu akange aenda kunotenga mishonga yemurwere uye kutora chi’inhaler’ chakange chiri mumotokari apo akarohwa nemheni,” vanodaro.

Related Posts

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Mudzimai ane mapatya, akatsva nemafuta otsvaga rubatsiro

Muchaneta Chimuka MUDZIMAI wekuManyame Park, kuChitungwiza, uyo akawirwa netsaona yekutsva nemafuta ainge ari pamoto panguva yekubika uye ane mapatya ane mwedzi miviri yekuberekwa, otsvaga rubatsiro rwemishonga yekurapwa pamwe nemukaka wemumagaba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×