MAPURISA anoshandira kumajeri anokurudzirwa kuti ape mucherechedzo wakanaka kuvasungwa uye kuti vashande basa ravo nemazvo.
Kurudziro iyi yakaitwa naSenior Assistant Commissioner Ernest Pambayi pakupedza zvidzidzo kwemapurisa 21 ari pasi peZimbabwe Prisons and Correctional Services (ZPCS) svondo rapera kuChikurubi Training School, muHarare.
Pamapurisa akapedza zvidzidzo aya, vashanu vavo vanhukadzi.
“Ndinoda kupa kutenda kukuru kuchikamu cheMounted Unit icho chinodzidzisa mapurisa edu kushanda nemabhiza. Chikamu ichi chiri kushanda nesimba mukuvandudza mashandiro anofanira kuita mapurisa mukuchengetedza vari kumajeri.
“Kune vari kudzidziswa vacho nevari pamabasa, ndinoti kuva nehunhu hwakanaka nekuita basa nemazvo. Ndizvo zvinokurudzirwa nekuti vanenge vachishanda nevasungwa.
“Pane 22 vakanga vaenda kunodzidziswa, mumwe chete akazotadza kupedza nenyaya yekusagona kutevedzera zvinodiwa pabasa pamwe chete nehunhubu. Nekuda kwezvinhu zvakadai, tinongoramba tichikurudzira kuti avo vanenge vauya kuzodzidziswa zvose nevari pabasa vanofanira kushanda zvinoyemurika kwete kufambisa zita rebasa zvakashata,” vanodaro Snr Asst Comm Pambayi.
Mapurisa akapedza zvidzidzo aya akadzidziswa zvakasiyana zvinosanganisira kushanda nemabhiza mukuronda vasungwa vanenge vatiza nekushandisa pfuti.
“Tinotarisira kuti zvose zvavakadzidza izvi vachakwanisa kuzvishandisa nemazvo uye havatori mukana uyu kushungurudza vemunharaunda dzavanoshandira kana kugara.
“Ndinokurudzirawo zvakare kuti vashande zviri pasi pemutemo uye varambe vachitevedzera zvinodiwa neHurumende,” vanodaro Snr Asst Comm Pambayi.
Vanoti itarisiro yavo yekuti munguva inotevera pachagadzirwa nzvimbo yakakura ichazodzidziswa mapurisa eZPCS kushanda nemabiza sezvo iripo pari zvino iri diki.




