Akarova chigure chikatyoka ruwoko

MURUME wekuBeatrice uyo anoshanda semutyairi wetarakita akatongerwa kunodya refovhoro zvichitevera kubatwa kwaakaitwa nemhosva yekutema munhu nezvidhinha pamwe nesimbi apo akange ari kupokana nekudzidziswa kwaiitwa munin’ina wake kuva chigure.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrate’s Courts, Lazarus Murendo, akapa John Jundu (22) wepaYork Farm Compond, kuBeatrice, chirango chekugara mujeri kwemwedzi 15.

Akazomubvisira mwedzi gumi pachirango ichi paine chitsidzo chekuti haafaniri kupara imwezve mhosva yakadai makore mashanu asati adarika.

Muchuchisi Edmond Ndambakuwa akaudza dare kuti nomusi wa4 Zvita gore rino, mumhan’ari Scariot Manhuto (36) wepaDunluce Farm, kuBeatrice, akaenda kune mumwe murume anonzi Sauro Sauros achibva amuudza kuti kune kwakange kuri kutorwa vanhu vachinodzidziswa kuita zvigure.

Jundu, uyo aive neruzivo pamusoro pechirongwa ichi, akabva aenda kuzigomba kwaive nevamwe vakange vari kudzidziswa kuita zvigure achipikisana nechirongwa ichi.

Akabva ashevedza munin’ina wake uyo akange ari mushishi kudzidziswa kuve chigure asi haana kumudaira.

Jundu akabva atangisa kupotsera zvidhinha pamwe nekutema Manhuto nesimbi kamwe chete nechekuruwoko rwekuruboshwe.

Manhuto akatyoka ruwoko uye magwaro ekwachiremba vakamuvheneka akaburitswa mudare seumboo.

Jundu akabvuma mhosva yake mudare achiti akashandisa zvombo izvi mukutema mumhan’ari nekuti akange ari kutya kurohwa nechaunga chevanhu vakange vari kudzidziswa kuti vagove zvigure.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×