CHITSAUKO 9 (Nyaya yacho: Enderero mberi)
Mugadzi anosvikomhorosa Fadza vaviri ava ndokumboita zvavo zvejee. Anozomhorosa vamwe vose ndokupinda mumba yekurara kunochinja hembe. Lily anonotora zvekudya, Sekai ndokuda kuramba asi anotsunywa ziso naFadza. Vapedza kudya, Fadza savatete anozotaura zvavainge vafambira Mugadzi ndokuti hapana chakaipa, mbatya dzake dzose dzaivemo sekusiya kwaakadziita, ngaapinde zvake oga sezvo imba achiiziva.
Fadza anozviramba achiti Lily naMai Chipunza vapinde naye achiti vanofanira kuremekedza ari mumba imomo. Lily anozokumbirwa kuti apinde mumba naSekai. Mugadzi anosimuka kunotora mabhodhoro maviri ehwahwa ndokutanga kuanwa naFadza.
Asara mukamuri yekurara, Sekai anotutira mbatya muzibhokisi rake meso ake pane zvaari kutsvaga. Anovhura kamwe kabhokisi ndokuwana kiyi yaaida iyo anokanda mukati membatya.
Mugadzi haaizokurumidza kuziva kuti imwe kiyi hapana. Charles uyo ainge achingotamba-tamba pamubhedha akazviona zvose. Anobvunza amai vake kuti vari kuda kuenda kupi iye ndokuti ari kugadzira mbatya kuti dzigare dzakachena. Anovabvunzazve ndokuvataurira zvekutengerwa mubhedha namainini izvo zvinoita kuti Sekai arwadziwe.
Apedza kurongedza, anozozvuzvurudzana nezibokisi rake achibuda, Fadza ndokuoneka.
Lily anobvunza nezvendiro nepoto zvaishandiswa naSekai, Fadza ndokuti vachazouya kuzozvitora. Lily anokumbira Mugadzi kuti avaperekedze nemotokari izvo anobvuma kuita.
Lily haazobudi, kwava kusara mumba achinetsana naCharles uyo ava kuchemera kuenda naamai, Sarudzai ndokubuda chinyararire kunochemera seri kwemba zvekuti haaonekani naamai. Sekai anoshungurudzika mumwoyo motokari ikadzimara kusvika Zengeza achingochema.
ONGORORO:
Kuchena mwoyo kwaLily kunoonekwa nekuda kwaanoita vanaSekai pamba pake pamwe neizvo anoitira vana vaSekai. Zvinotevera ndizvo zvinozviratidza:
(i) “Titambire amaiguru” (114)
(ii) “Ko makadii zvenyu amaiguru?” Lily akabvunza achiombera” (115).
(iii) Aive (Charles) achivaudza (Sekai) kuti ainge atengerwa bhasikoro, ndege, nekabhazi namainini” (115).
(iv) “Akazviona (Sekai) paine katafura nemacheya ezera ravo. Zvose zvaive zvitsva” (115).
(v) Lily akasimuka oenda kukicheni ndokunouya nendiro nhatu dzezvekudya opa vaenzi” (116)
(vi) “Akazviona (Lily) zvisina mutsigo kumirira Sekai achirongedza kunge zvinonzi imbavha” (117)
(vii) “Ko, baba mune basa here muvaperekedze? Vanganetseka pamabhazi nemutundu wese uyu,” Lily akakumbira murume wake. (119). (viii) Akasara (Lily) mumba achinetsana naCharles aive ochemera kuenda naamai” (119).
Maererano netsika nemaitiro evanhu, tinodzidza kuti Sarudzai ainge ari munhu asina kuchenjera. Papeji 115 tambonzwa Mugadzi achiti, “Charles ndinomudira kuchenjera, haikona hanzvadzi yacho. Sarudzai paanokurira anopiwa nhumbu nemukomana akasiiwa pachena padare. Iye zvino tava kunzwa kuti, “Sarudzai wekupata akatozomhorosa mai vatogara pasi” (115).
Kuzoti vari ivo mai Chipunza tinonzwa zvichinzi mudzimai uyu aive ane makuhwa. Zvinonzi, “Vaive vasingapindirane naLily nokuti vaive vatadza kumupinza chikoro chavo chisina mubhadharo” (114). Tinonzwa kuti kubvunza kwavaiita Sekai kuti ainge asati ambodzoka kubva zviya kwaive kwekuda “kuudzwa zvakawanda kuti vagowana makuhwa ekukirabhu. Makuhwa paiva pamuzinda pawo” (113).



