– Ziva -TAPIRI / TAFURA

MAMWE mazita eShona anofambirana nemitauro inosanganisira Nguni, Zulu, Ndebele kana Sotho. Kune mamwewo mazwi akatorwa kubva kumutauro wemabhunu weAfrikaans. Mamwe mazita akabva kuAfrikaans ndeanoti tapiri natafura. Tapiri ndiro mbatatisi kana dapura, uye muAfrikaans rinonzi aartappel.

Aart zvichireva ivhu, appel zvichireva muchero weapple kana apuro. Saka kana abatanidzwa, zvinoreva apuro remuvhu. Tafura muchiAfrikaans inonzi tafel. Ndiyo yakaturikirwa kuna Mapisarema 23 ichinzi, “Munondigadzirira tafura pamberi pevavengi vangu.” MuShona takanga tisingashandise matafura.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×