MUPOROFITA uye wechechi yeJohane Masowe weChishanu wekumindamirefu yeShanga, kuBeatrice, wekuvimbisa kuti chitunha chemukuwasha wake chichamuka mushure mekuita usiku hwose achichitova nemvura inodziya asi mapipi ake ndokuramba, ava kuimba rumwe rwiyo.
Svondo rapera ainge avimbisa Kwayedza kuti mufi aizomuka mushure mesvondo rimwe chete.
Apo akadzokerwa kuti zvionekwe kana zvido zvake zvakazadzikiswa, muporofita uyu ava kutsenga-tsenga mukanwa sezvo zvaakavimbisa zvisati zvaitika.
Madzibaba Phillemon “Mikrage” Madhara (35) svondo rakapera vakaita husiku hwose achinamatira mutumbi waEddison Gunda (42) apo aibatsirwa nevamwe vake vachiti vaida kumumutsa.
Madzibaba uyu ihanzvadzi yaSpiwe Madhara (36) uyo anova mudzimai wemushakabvu.
Svondo rapera, Madzibaba Mikrage akapa Kwayedza nguva inokwana svondo yekuti Gunda amuke achizoonekwa achifamba.
Panhamo iyi, kunze kwekuedza kumutsa mufi, panonziwo pakashaikwa mvura yaiva ichitoveswa mutumbi uyu ,uye kusvikira nanhasi haizivikanwe kuti yakafamba sei.
Kwayedza nemusi weChipiri svondo rino yakataura naMadzibaba Mikrage ichida kunzwa kuti mushakabvu ati amuka here. Muporofita uyu akangotanga kutsenga-tsenga mukanwa achiti:
“Hapana chati chavapo munhu waMwari, hapana shanduko. Mweya uri kuramba uchiti tava padyo, munhu ave kuzomuka. Zvinonzi akamirira ngirozi huru ine chekuita nenyaya iyi, yave kusvika inova ine dare iri rose. Mweya unoti mushure menguva pfupi tichaona zvishamiso, Gunda anomuka.”
Madzibaba Mikrage akazosanduka ave kuti: “Imi pamakauya dai makakumbira kutaura nemweya kwete nenyama. Ndinoti kwamuri dzokai kuno muzotaura nemweya nekuti isu toga tinogona kunyeperana, hatisiyei zvemweya kumweya.”



