Akarumwa vachirwira murume

Nyasha Chabvonga
VAKADZI vaviri vekuEpworth vekugara vachirwa nekupopotedzana nenyaya yemurume vakapedzisira vasvitsana kumatare edzimhosva. Gamuchirai Wenhamo akaenda kudare reHarare Civil Court achiti Dorcas Foroma anomushungurudza achimupomera kudanana nemurume wake, kumurova pamwe nekumutuka. “Amai ava vanondituka zvinonyadzisira, vanonditi ‘zihure’ vachindipomera kudanana nemurume wavo mushure mokunge ndaudza hama yavo kuti ivaudze kuti murume wavo anondifonera uye vanogara vachida kurwa neni. Pandakarwa navo vakandiruma-ruma mafudzi angu nepahuro,” akadaro Wenhamo.

Foroma akaudza dare kuti Wenhamo ndiye anotomushungurudza pamwe nekuda kuputsa wanano yake.
“Changamire, mukadzi uyu zvaanotaura inhema dzoga-dzoga. Iye ndiye anofamba kuhama dzangu achiti murume wangu anomuda uye anomufonera asi iye ane murume wake. Ndinotoshaya kuti anodei pamurume wangu. Hakusi kutsvaga kuda kuputsawo musha wangu here uku?

“Vedare, kana iri nyaya yekutuka, mukadzi uyu anotukirira iyeyu. Anoti kana akabata kutuka murume wangu anomusiya asisina kupfeka zvekutoti vana vangu vanototiza pamba sezvo vave vanhu vakuru,” akadaro Foroma

Mutongi Ruth Kamangira akapa gwaro redziviriro kuna Wenhamo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×